Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

28

1Shure kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.
1耶稣复活(可16:1-10;路24:1-12;约20:1-10)
2Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nekuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
2忽然,地震得很厉害;主的使者从天上下来,把石头辊开,坐在上面。
3Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.
3他的样子好像闪电,衣服洁白如雪。
4Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.
4看守的人因为害怕他,就浑身战抖,好像死了一样。
5Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nekuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.
5那使者对妇女们说:“你们不要怕,我知道你们在找被钉十字架的耶稣。
6Haasi pano; nekuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange avete.
6他不在这里,已经照他所说的复活了。你们来看安放他的地方吧。
7Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai unokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.
7快去告诉他的门徒:‘他已经从死人中复活了。他会比你们先到加利利去,你们在那里必看见他。’现在我已经告诉你们了。”
8Ndokubva, vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.
8她们立刻离开坟墓,又害怕,又十分欢喜,跑去告诉耶稣的门徒。
9Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.
9忽然,耶稣向她们迎面而来,说:“你们好。”她们就上前,抱住他的脚拜他。
10Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.
10耶稣对她们说:“不要怕,去告诉我的弟兄,叫他们到加利利去,他们在那里必看见我。”
11Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvose zvakaitika.
11卫兵受贿造谣她们去的时候,有些卫兵进了城,把一切所发生的事向祭司长报告。
12Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,
12祭司长就和长老聚集在一起商量,然后拿许多钱给士兵,
13vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.
13说:“你们要这样说:‘他的门徒晚上来了,趁我们睡着的时候,把他偷走了。’
14Kana izvi zvikazikamwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.
14如果总督知道了这件事,我们会说服他,不会牵连你们。”
15Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati pevaJudha kusvikira nhasi.
15士兵收了钱,就照着祭司长和长老的指使去作。这种说法直到今日还流传在犹太人当中。
16Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira;
16主交给门徒的使命(可16:14-18;路24:36-49;约20:19-23。参徒1:6-8)十一个门徒往加利利去,到了耶稣指定的山上。
17vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.
17他们看见耶稣就拜他,但仍然有些人怀疑。
18Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rose rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.
18耶稣上前来,对他们说:“天上地上一切权柄都赐给我了。
19Endai naizvozvo muite marudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;
19所以,你们要去使万民作我的门徒,奉父子圣灵的名,给他们施洗(“奉父子圣灵的名,给他们施洗”或译:“给他们施洗,归入父子圣灵的名”),
20muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imwi; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni.
20我吩咐你们的一切,都要教导他们遵守。这样,我就常常与你们同在,直到这世代的终结。”