Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Matthew

3

1Pamazuva iwayo kwakauya Johwani Mubhabhatidzi, achiparidza murenje reJudhiya,
1施洗约翰(可1:3-8;路3:2-17;约1:19-28)
2achiti: Tendeukai; nekuti ushe hwematenga hwaswedera.
2说:“天国近了,你们应当悔改。”
3Nekuti uyu ndiye wakarehwa nezvake naIsaya muporofita, achiti: Inzwi reanodanidzira murenje: Gadzirirai mugwagwa waIshe, ruramisai nzira dzake.
3以赛亚先知所说:“在旷野有呼喊者的声音:‘预备主的道,修直他的路!’”就是指着这约翰说的。
4Iyezve Johwani waiva nechipfeko chake chemakushe ekamera nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake; nechikafu chake chaiva mhashu neuchi hwedondo.
4约翰身穿骆驼毛的衣服,腰束皮带,吃的是蝗虫和野蜜。
5Zvino kwakabudira kwaari Jerusarema neJudhiya rose nedunhu rose rakapoteredza Joridhani;
5耶路撒冷、犹太全地和约旦河一带的人都出来到他那里去,
6vakabhabhatidzwa naye muna Joridhani vachireurura zvivi zvavo.
6承认自己的罪,在约旦河里受了他的洗。
7Asi wakati achiona vazhinji vevaFarisi nevaSadhusi vachiuya kurubhabhatidzo rwake akati kwavari: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kuti mutize hasha dzinouya?
7约翰看见许多法利赛人和撒都该人也来受他的洗,就对他们说:“毒蛇所生的啊,谁指示你们逃避那将要来的忿怒呢?
8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
8应当结出果子来,与悔改的心相称。
9Musafunga kutaura mukati menyu muchiti: Tina Abhurahamu anova baba; nekuti ndinoti kwamuri: Mwari anokwanisa kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.
9你们心里不要以为:‘我们有亚伯拉罕作我们的祖宗。’我告诉你们, 神能从这些石头中给亚伯拉罕兴起后裔来。
10Uye sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti, naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ugokandirwa mumoto.
10现在斧头已经放在树根上,所有不结好果子的树,就砍下来,丢在火里。
11Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendeuka; asi uyo anouya shure kwangu ane simba kupfuura ini, wandisina kufanira kutakura shangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto.
11我用水给你们施洗,表示你们悔改;但在我以后要来的那一位,能力比我更大,我就是替他提鞋也没有资格。他要用圣灵与火给你们施洗。
12Une rusero rwuri muruoko rwake, uchachenesa buriro rake kwazvo, agounganidzira zviyo zvake mudura, asi hundi uchaipisa nemoto usingadzimiki.
12他手里拿着簸箕,要扬净麦场,把麦子收进仓里,却用不灭的火把糠秕烧尽。”
13Ipapo Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johwani, kuti abhabhatidzwe naye.
13耶稣受洗(可1:9-11;路3:21-22)那时,耶稣从加利利来到约旦河约翰那里,要受他的洗。
14Asi Johwani wakamurambidza achiti: Ini kunodikamwa kuti ndibhabhatidzwa nemwi, asi imwi mouya kwandiri?
14约翰想要阻止他,说:“我应该受你的洗,你却到我这里来吗?”
15Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda ikozvino, nekuti saizvozvo zvakatifanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.
15耶稣回答:“暂且这样作吧。我们理当这样履行全部的义。”于是约翰答应了他。
16Asi Jesu, wakati abhabhatidzwa, akakwira pakarepo achibva mumvura; zvino tarira, matenga akamuzarukira, akaona Mweya waMwari achiburuka senjiva, achiuya pamusoro pake.
16耶稣受了洗,立刻从水中上来;忽然,天为他开了,他看见 神的灵,好像鸽子降下来,落在他身上;
17Zvino tarira, inzwi richibva kumatenga richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikamwa, wandinofara naye kwazvo.
17又有声音从天上来,说:“这是我的爱子,我所喜悦的。”