1Musatonga, kuti imwi murege kutongwa,
1不可判断(路6:37-38、41-42)
2nekuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa nechiyero chamunoyera nacho zvekare.
2你们怎样判断人,也必怎样被判断;你们用什么标准衡量人,也必照样被衡量。
3Unotaririrei rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?
3为什么看见你弟兄眼中的木屑,却不理会自己眼中的梁木呢?
4Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?
4你自己眼中有梁木,怎能对弟兄说:‘让我除掉你眼中的木屑’呢?
5Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.
5伪君子啊!先除掉你眼中的梁木,才可以看得清楚,去除掉弟兄眼中的木屑。
6Musapa chitsvene kumbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
6不要把圣物给狗,也不要把你们的珍珠丢在猪前,免得它们用脚把珍珠践踏,又转过来猛噬你们。
7Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
7祈求就必得着(路11:9-13,13:24)“你们祈求,就给你们;寻找,就寻见;叩门,就给你们开门。
8Nekuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.
8因为凡祈求的就得着,寻找的就寻见,叩门的就给他开门。
9Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?
9你们中间哪一个人,儿子向他要饼,反给他石头;
10Kana kuti akakumbira hove achamupa nyoka?
10要鱼,反给他蛇呢?
11Zvino kana imwi makaipa muchiziva zvipo zvakanaka zvekupa vana venyu, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?
11你们虽然邪恶,尚且知道把好东西给儿女,何况你们在天上的父,难道不更把好东西赐给求他的人吗?
12Naizvozvo zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo ivo saizvozvo; nekuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.
12你们愿意人怎样待你们,你们也要怎样待人,这是律法和先知的总纲。
13Pindai nesuwo rakamanikana; nekuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, vazhinji varipo vanopinda naro.
13“你们当进窄门,因为引到灭亡的门是宽的,路是大的,进去的人也多;
14Nekuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.
14但引到生命的门是窄的,路是小的,找着的人也少。
15Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.
15坏树不能结好果子(路6:43-44)“提防假先知!他们披着羊皮到你们当中,里面却是残暴的狼。
16Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa pamhinzwa here, kana maonde parubayambeva?
16凭着他们的果子就可以认出他们来:荆棘里怎能摘到葡萄?蒺藜里怎能摘到无花果呢?
17Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa;
17照样,好树结好果子,坏树结坏果子;
18muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.
18好树不能结坏果子,坏树也不能结好果子。
19Muti umwe neumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
19凡是不结好果子的树,就被砍下来,丢在火中。
20Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.
20因此你们凭着他们的果子就可以认出他们来。
21Haasi wose anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
21“不是每一个对我说:‘主啊,主啊!’的人,都能进入天国,唯有遵行我天父旨意的人,才能进去。
22Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
22到那日,必有许多人对我说:‘主啊,主啊!难道我们没有奉你的名讲道,奉你的名赶鬼,奉你的名行过许多神迹吗?’
23Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
23但我必向他们声明:‘我从来不认识你们;你们这些作恶的人,离开我去吧!’
24Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.
24听道要行道(路6:47-49)“所以,凡听见我这些话又遵行的,就像聪明的人,把自己的房子盖在磐石上。
25Mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nekuti yakange yakateyiwa paruware.
25雨淋、水冲、风吹,摇撼那房子,房子却不倒塌,因为建基在磐石上。
26Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;
26凡听见我这些话却不遵行的,就像愚蠢的人,把自己的房子盖在沙土上。
27mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.
27雨淋、水冲、风吹,摇撼那房子,房子就倒塌了,并且倒塌得很厉害。”
28Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.
28耶稣讲完了这些话,群众都惊奇他的教训。
29Nekuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.
29因为耶稣教导他们,像一个有权柄的人,不像他们的经学家。