1Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.
1施舍不可张扬
2Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta, kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
2因此你施舍的时候,不可到处张扬,好像伪君子在会堂和街上所作的一样,以博取众人的称赞。我实在告诉你们,他们已经得了他们的赏赐。
3Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.
3你施舍的时候,不要让左手知道右手所作的,
4Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
4好使你的施舍是在隐密中行的。你父在隐密中察看,必定报答你。
5Zvino kana muchinyengetera, musava sevanyepedzeri; nekuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
5如何祷告(路11:2-4)“你们祈祷的时候,不可像伪君子;他们喜欢在会堂和路口站着祈祷,好让人看见。我实在告诉你们,他们已经得了他们的赏赐。
6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati; ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
6但你祈祷的时候,要进到密室里去,关上门,向在隐密中的父祈祷。你父在隐密中察看,必定报答你。
7Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nekuti ivo vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.
7你们祈祷的时候,不可重复无意义的话,像教外人一样,他们以为话多了就蒙垂听。
8Naizvozvo musafanana navo; nekuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa, musati mavakumbira.
8你们不可像他们,因为在你们祈求以先,你们的父已经知道你们的需要了。
9Naizvozvo imwi nyengeterai sezvizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;
9所以你们要这样祈祷:‘我们在天上的父,愿你的名被尊为圣,
10ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
10愿你的国降临,愿你的旨意成就在地上,如同在天上一样。
11mutipei nhasi chikafu chedu chemisi yose;
11我们每天所需的食物,求你今天赐给我们;
12uye mutikangamwire mhosva dzedu, sezvatinokangamwirawo vane mhosva nesu;
12赦免我们的罪,好像我们饶恕了得罪我们的人;
13uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nekuti ushe ndehwenyu, nesimba, nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
13不要让我们陷入试探,救我们脱离那恶者。’(有些后期抄本在此有“因为国度、权柄、荣耀,全是你的,直到永远。阿们”一句)
14Nekuti kana muchikangamwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukangamwiraiwo.
14如果你们饶恕别人的过犯,你们的天父也必饶恕你们。
15Asi kana musingakangamwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyuwo havangakangamwiri kudarika kwenyu.
15如果你们不饶恕别人,你们的父也必不饶恕你们的过犯。
16Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nekuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
16禁食不让人知“你们禁食的时候,不可像伪君子那样愁眉苦脸,他们装成难看的样子,叫人看出他们在禁食。我实在告诉你们,他们已经得了他们的赏赐。
17Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,
17可是你禁食的时候,要梳头洗脸,
18kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakuripira.
18不要叫人看出你在禁食,只让在隐密中的父看见。你父在隐密中察看,必定报答你。
19Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane zvifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;
19积财于天(路12:32-34)“不可为自己在地上积聚财宝,因为地上有虫蛀,有锈侵蚀,也有贼挖洞来偷。
20asi muzviunganidzire fuma kudenga, kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi dzichiba.
20要为自己积聚财宝在天上,那里没有虫蛀锈蚀,也没有贼挖洞来偷。
21Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.
21你的财宝在哪里,你的心也在哪里。
22Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wose uchazara nechiedza.
22里面的光(路11:34-36)“眼睛就是身体的灯。如果你的眼睛健全,全身就都明亮;
23Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!
23如果你的眼睛有毛病,全身就都黑暗。如果你里面的光变成黑暗,这是多么的黑暗!
24Hapana ungashumira vatenzi vaviri; nekuti uchavenga umwe, akada umwe; kana uchanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.
24不要为明天忧虑(路12:22-31)“一个人不能服事两个主人;他若不是恨这个爱那个,就是忠于这个轻视那个。你们不能服事 神,又服事金钱。
25Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchafuka. Upenyu hahupfuuri chikafu here, nemuviri zvipfeko?
25所以我告诉你们,不要为生命忧虑吃什么喝什么,也不要为身体忧虑穿什么。难道生命不比食物重要吗?身体不比衣服重要吗?
26Tarirai shiri dzedenga, nekuti hadzidzvari, kana kukohwa, kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?
26你们看天空的飞鸟:它们不撒种,不收割,也不收进仓里,你们的天父尚且养活它们;难道你们不比它们更宝贵吗?
27Ndiani kwamuri nekufunganya ungawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
27你们中间谁能用忧虑使自己的寿命延长一刻呢?
28Nepamusoro pezvipfeko munofungirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei, haichami, hairuki;
28何必为衣服忧虑呢?试想田野的百合花怎样生长,它们不劳苦,也不纺织。
29asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kose haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.
29但我告诉你们,就是所罗门最威荣的时候所穿的,也比不上这花中的一朵。
30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, hwuripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo ruduku?
30田野的草,今天还在,明天就投进炉里, 神尚且这样妆扮它们;小信的人哪,何况你们呢?
31Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?
31所以不要忧虑,说:‘我们该吃什么?喝什么?穿什么?’
32Nekuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka, nekuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.
32这些都是教外人所寻求的,你们的天父原知道你们需要这一切。
33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
33你们要先求他的国和他的义,这一切都必加给你们。
34Naizvozvo musafunganyira mangwana, nekuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.
34所以不要为明天忧虑,因为明天自有明天的忧虑,一天的难处一天当就够了。”