1Zvino wakati achiona zvaunga, akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari;
1论福(路6:20-23)
2akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti:
2他就开口教训他们:
3Vakaropafadzwa varombo pamweya; nekuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
3“心灵贫乏的人有福了,因为天国是他们的。
4Vakaropafadzwa vanochema; nekuti ivo vachanyaradzwa.
4哀痛的人有福了,因为他们必得安慰。
5Vakaropafadzwa vanyoro; nekuti ivo vachagara nhaka yenyika.
5温柔的人有福了,因为他们必承受地土。
6Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nekuti ivo vachagutiswa.
6爱慕公义如饥如渴的人有福了,因为他们必得饱足。
7Vakaropafadzwa vane tsitsi; nekuti vachapiwa tsitsi.
7怜悯人的人有福了,因为他们必蒙怜悯。
8Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nekuti ivo vachaona Mwari.
8内心清洁的人有福了,因为他们必看见 神。
9Vakaropafadzwa vanoyananisa; nekuti ivo vachanzi vana vaMwari.
9使人和平的人有福了,因为他们必称为 神的儿子。
10Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nekuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
10为义遭受迫害的人有福了,因为天国是他们的。
11Makaropafadzwa imwi, kana vachikunyombai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvose vachireva nhema nekuda kwangu.
11人若因我的缘故辱骂你们,迫害你们,并且捏造各样坏话毁谤你们,你们就有福了。
12Farai mupembere kwazvo, nekuti mubairo wenyu mukuru kumatenga; nekuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
12你们应该欢喜快乐,因为你们在天上的赏赐是大的;在你们以前的先知,他们也曾这样迫害。
13Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.
13门徒作盐作光(可9:50;路14:34-35)“你们是地上的盐;如果盐失了味,怎能使它再咸呢?结果毫无用处,唯有丢在外面任人践踏。
14Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;
14你们是世上的光。建在山上的城是无法隐藏的;
15uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.
15人点了灯,不会放在量器底下,而是放在灯台上,就照亮一家人。
16Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kumatenga.
16照样,你们的光也应当照在人前,让他们看见你们的好行为,又颂赞你们在天上的父。
17Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.
17论律法“你们不要以为我来是要废除律法和先知;我来不是要废除,而是要完成。
18Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara duku rimwe kana chidodzi chimwe chemurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvose zvaitika.
18我实在告诉你们,就算天地过去,律法的一点一画也不会废去,全部都要成就。
19Naizvozvo ani nani anodarika umwe wemirairo midukusa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, uchanzi mudukusa muushe hwekumatenga. Asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye uchanzi mukuru muushe hwekumatenga;
19因此,无论谁废除诫命中最小的一条,又这样教导人,他在天国中必称为最小的;但若有人遵行这些诫命,并且教导人遵行,他在天国中必称为大。
20nekuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekwevaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
20我告诉你们,你们的义若不胜过经学家和法利赛人的义,就必不能进天国。
21Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya uchava nemhosva yemutongo;
21不可恨人(路12:58-59)“你们听过有这样吩咐古人的话:‘不可杀人,杀人的必被判罪。’
22asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, uchava nemhosva yekutongwa; neanoti kune umwe wake: Dununu! uchava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! Uchava nemhosva yegehena remoto.
22可是我告诉你们,凡是向弟兄发怒的,必被判罪。人若说弟兄是‘拉加’,必被公议会审判;人若说弟兄是‘摩利’,必难逃地狱的火。
23Naizvozvo kana uchiuyisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako une chekupikisana newe,
23所以你在祭坛上献供物的时候,如果在那里想起你的弟兄对你不满,
24siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugozouya wopira chipo chako.
24就当在坛前放下供物,先去与弟兄和好,然后才来献你的供物。
25Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.
25趁着你和你的对头还在路上的时候,要赶快与他和解,免得他抓你去见法官,法官把你交给狱警,关在监里。
26Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira.
26我实在告诉你,除非你还清最后一分钱,否则决不能从那里出来。
27Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe.
27不可动淫念“你们听过有这样的吩咐:‘不可奸淫。’
28Asi ini ndinoti kwamuri: Wose anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.
28可是我告诉你们,凡是看见妇女就动淫念的,心里已经犯了奸淫。
29Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urashire kure newe; nekuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
29如果你的右眼使你犯罪,就把它挖出来丢掉;宁可失去身体的一部分,胜过全身被丢进地狱里。
30Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urashire kure newe; nekuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
30如果你的右手使你犯罪,就把它砍下来丢掉;宁可失去身体的一部分,胜过全身进到地狱里去。
31Zvakanzi zvekare: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;
31不可休妻(太19:9;可10:11-12;路16:18)“又有这样的吩咐:‘人若休妻,就应当给她休书。’
32asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.
32可是我告诉你们,凡休妻的,如果不是因她不贞,就是促使她犯奸淫;无论谁娶了被休的妇人,也就是犯奸淫了。
33Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako.
33不可发誓“你们又听过有这样吩咐古人的话:‘不可背约,向主许的愿都要偿还。’
34Asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nekuti chigaro chaMwari cheushe;
34可是我告诉你们,总不可发誓,不可指着天发誓,因为天是 神的宝座;
35kana nenyika, nekuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nekuti iguta raMambo mukuru;
35不可指着地发誓,因为地是 神的脚凳;不可指着耶路撒冷发誓,因为它是大君王的京城;
36uye usapika nemusoro wako, nekuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.
36也不可指着自己的头发誓,因为你不能使一根头发变白或变黑。
37Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; asi chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.
37你们的话,是就说‘是’,不是就说‘不是’;如果再多说,就是出于那恶者。
38Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino.
38不可报复(路6:29-30)“你们听过有这样的吩咐:‘以眼还眼,以牙还牙。’
39Asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.
39可是我告诉你们,不要与恶人对抗,有人打你的右脸,把另一边也转过来让他打;
40Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.
40有人要告你,想拿你的衬衫,就连外套也让他拿去。
41Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
41有人要强迫你走一里路,就陪他走两里。
42Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
42有求你的,就给他;想借贷的,也不可拒绝。
43Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.
43当爱仇敌(路6:27-28、32-36)“你们听过有这样的吩咐:‘当爱你的邻舍,恨你的仇敌。’
44Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.
44可是我告诉你们,当爱你们的仇敌,为迫害你们的祈祷,
45Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nekuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
45好叫你们成为你们天父的儿子;因为他使太阳照恶人,也照好人;降雨给义人,也给不义的人。
46Nekuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?
46如果你们只爱那些爱你们的人,有什么赏赐呢?税吏不也是这样作吗?
47Kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?
47如果你们单问候你们的弟兄,有什么特别呢?教外人不也是这样作吗?
48Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.
48所以你们要完全,正如你们的天父是完全的。”