Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Philippians

2

1Zvino kana kune kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kudyidzana kweMweya, kana mumoyo munyoro nemukunzwira tsitsi,
1效法基督的谦卑
2zadzisai mufaro wangu, muve nefungwa imwe, muchiva nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe,
2就应当有同样的思想,同样的爱心,要心志相同,思想一致,使我充满喜乐。
3musingaiti nenharo, kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo, umwe neumwe ngaakudze umwe kupfuura imwi;
3不要自私自利,也不要贪图虚荣,只要谦卑,看别人比自己强;
4umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
4各人不要单顾自己的事,也要顾别人的事。
5fungwa iyi ngaive mamuri, yakanga uri muna Kristu Jesuwo;
5你们应当有这样的意念,这也是基督耶稣的意念。(全节或译:“你们当以基督耶稣的心为心。”)
6iye wakati ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
6他本来有 神的形象,却不坚持自己与 神平等的地位,
7asi wakazvidurura, akazvitorera chimiro chemuranda, akaitwa mumufananidzo wemunhu.
7反而倒空自己,取了奴仆的形象,成为人的样式;
8akati awanikwa mumufananidzo wemunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
8既然有人的样子,就自甘卑微,顺服至死,而且死在十字架上。
9Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose;
9因此 神把他升为至高,并且赐给他超过万名之上的名。
10kuti muzita raJesu ibvi rose rifugame, kudenga nepanyika, nepasi penyika,
10使天上、地上和地底下的一切,因着耶稣的名,都要屈膝,
11uye rurimi rwoga rwoga rwureurure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo kuna Mwari baba.
11并且口里承认耶稣基督为主,使荣耀归给父 神。
12Naizvozvo, vadikamwa vangu, sezvamakateerera nguva dzose, kwete pakuvapo kwangu chete, asi kunyanya pakusavapo kwangu, shandai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera;
12显出生命之道这样看来,我所亲爱的,你们素来是顺服的,(不但我在你们那里的时候是这样,现今我不在,你们更要顺服,)就应当恐惧战兢地作成自己的救恩。
13Nekuti ndiMwari unoshanda mamuri, zvose kuda nekuita chido chake chakanaka.
13 神为了成全自己的美意,就在你们里面动工,使你们可以立志和行事。
14Itai zvinhu zvose musinganyunyuti nekupikisana;
14无论作什么,都不要发怨言、起争论,
15kuti musatongomhurika, uye musina chakaipa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje munyika;
15好使你们无可指摘、纯真无邪,在这弯曲乖谬的世代中,作 神没有瑕疵的儿女;你们要在这世代中发光,好像天上的光体一样,
16muchibatisisa shoko reupenyu; pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushandira pasina.
16把生命的道显扬出来,使我在基督的日子可以夸耀我没有空跑,也没有徒劳。
17Hongu kunyange neni ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mose.
17即使把我浇奠在你们信心的祭物和供奉上,我也喜乐,并且和你们大家一同喜乐。
18Nekuda kweizvozvo imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
18照样,你们也要喜乐,并且要和我一同喜乐。
19Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare kana ndanzwa chimiro chenyu.
19提摩太的为人我靠着主耶稣,希望不久就会差提摩太到你们那里去,使我们知道你们的情况,可以得到鼓励。
20Nekuti handina munhu une moyo wakaita sewake, uchava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
20没有人与我同心,真正关心你们的事,
21Nekuti vose vanotsvaka zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
21因为大家只顾自己的事,而不理耶稣基督的事。
22Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
22不过,提摩太的为人是你们知道的,他和我一同为了福音服事主,就像儿子跟父亲一样。
23Zvino ndiye wandinotarisira kubva ndatongomutumira kwamuri, kana ndaona kuti zvangu zvakadini;
23所以,等我看出自己的事会怎样了结之后,我希望立刻差他去;
24asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
24而且靠着主,我相信自己不久也会去。
25Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemubatsiri wangu pabasa neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
25忠心侍候的以巴弗提然而我认为必须差以巴弗提到你们那里去,他是我的弟兄,与我一同作工一同作战的,也是你们为我的需要差来服事我的。
26sezvo akanga achikushuvai zvikuru mose, uye akazadzwa neshungu, nekuti imwi makange manzwa kuti wakange achirwara.
26他一直在想念你们众人,并且因为你们听见他病了,他就非常难过。
27Nekuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete kwaari oga, asi nekwandiriwo, zvimwe ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
27事实上他病得几乎要死,然而 神怜悯了他;不但怜悯他,也怜悯我,免得我忧上加忧。
28Naizvozvo ndakashingaira kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere.
28所以,我更急着差他去,让你们再见到他,就可以喜乐,也可以减少我的挂虑。
29Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nemufaro wose, uye mubate vakadai neruremekedzo;
29因此,你们要在主里欢欢喜喜地接待他,也要尊重这样的人,
30Nekuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imwi.
30因他为了基督的工作,冒着生命的危险,差一点丧了命,为的是要补满你们服事我不足的地方。