1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyoreraizve zvinhu zvimwechetezvo, ini hazvindinetesi, asi zvinokusimbisai imwi.
1以认识基督为至宝
2Chenjererai imbwa, ngwarirai vabati vakaipa, ongororai vekucheka;
2你们要提防那些“狗”,提防作恶的,提防行割礼的。
3Nekuti tisu kudzingiswa, vanoshumira Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, tisina chivimbo munyama;
3其实我们这些靠 神的灵来敬拜,在基督耶稣里夸口而不倚靠肉体的人,才是受割礼的,
4kunyange ndingavawo nechivimbo munyama; kana kune umwe munhu unofunga kuvimba nenyama, zvikuru ini.
4虽然我有理由可以倚靠肉体。如果别人认为可以倚靠肉体,我就更加可以了;
5Ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri weimba yaBenjamini, muHebheru wevaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
5我第八天受割礼,属于以色列民族便雅悯支派,是希伯来人所生的希伯来人。按着律法来说,我是个法利赛人;
6maererano nekushingaira, ndichitambudza kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
6按着热诚来说,我是迫害教会的;按着律法上的义来说,我是无可指摘的。
7Asi zvinhu zvaiva fuma kwandiri, ndizvo zvandakati kurashikirwa nekuda kwaKristu.
7然而以前对我有益的,现在因着基督的缘故,我都当作是有损的。
8Hongu zvirokwazvo, ndinoverenga zvinhu zvose kurashikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarashikirwa nezvinhu zvose nekuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;
8不但这样,我也把万事当作是有损的,因为我以认识我主基督耶稣为至宝。为了他,我把万事都拋弃了,看作废物,为了要得着基督。
9uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi uko kuri kubudikidza nerutendo kuna Kristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
9并且得以在他里面,不是有自己因律法而得的义,而是有因信基督而得的义,就是基于信心,从 神而来的义,
10kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
10使我认识基督和他复活的大能,并且在他所受的苦上有分,受他所受的死;
11kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
11这样,我也许可以从死人中复活。
12Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinotevera, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.
12向着目标竭力追求这并不是说我已经得着了,已经完全了,而是竭力追求,好使我可以得着基督耶稣要我得着的。
13Hama, ini handizviverengi kuti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chandinoita: ndichikangamwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
13弟兄们,我不以为自己已经得着了,我只有一件事,就是忘记背后,努力面前,
14ndinoshingairira kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari, muna Kristu Jesu.
14向着目标竭力追求,为要得着 神在基督耶稣里召我往上去得的奖赏。
15Naizvozvo isu tose takakwana ngative nemufungo wakadaro; kana zvimwe imwi mune umwe mufungo, Mwari uchakuratidzai kunyange izvi.
15所以,我们中间凡是成熟的人,都应当这样想。即使你们不是这样想, 神也会把这事指示你们。
16Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo wakadaro tifunge chinhu chimwe.
16不过,我们到了什么程度,就要照着什么程度去行。
17Hama, ivai vateveri vangu makabatana, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakava muenzaniso.
17切望救主再临弟兄们,你们要一同效法我,也要留意那些照着我们的榜样而行的人。
18Nekuti vazhinji vanofamba vandakakuvudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuvudzaiwo kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
18我常常告诉你们,现在又流着泪说,有许多人行事为人,是基督十字架的仇敌,
19kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kwavo kuri mukunyadzwa, vanofunga zvenyika.
19他们的结局是灭亡,他们的神是自己的肚腹,他们以自己的羞辱为荣耀,所想的都是地上的事。
20Nekuti ubwo hwedu hwuri kumatenga, uko kwatakataririrakowo kuuya kwemuponesi Ishe Jesu Kristu;
20但我们是天上的公民,切望救主,就是主耶稣基督,从天上降临;
21uyo uchavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvose pasi pake.
21他要运用那使万有归服自己的大能,改变我们这卑贱的身体,和他荣耀的身体相似。