Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Philippians

4

1Naizvozvo, hama dzangu, vadikamwa zvikuru vanoshuviwa, mufaro wangu, nekorona, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikamwa zvikuru.
1我所想念亲爱的弟兄们,你们就是我的喜乐、我的冠冕。所以,亲爱的,你们应当靠着主站立得稳。
2Ndinokumbirisa Yuodhia, ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemoyo umwe muna Ishe.
2劝勉我劝友阿嫡,也劝循都基,要在主里意念相同。
3Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pajoko; batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremenziwo, navamwe vakabata zvikuru neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.
3我真诚的同道啊,我也求你帮助她们。这两个女人,还有革利免和其余的同工,都跟我在福音的事工上一同劳苦,他们的名字都在生命册上。
4Farai muna Ishe nguva dzose; ndinotizve: Farai.
4你们要靠着主常常喜乐,我再说,你们要喜乐。
5Unyoro hwenyu ngahwuzikamwe kuvanhu vose. Ishe uri pedo.
5要使大家看出你们谦和的心。主已经近了。
6Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu; asi pazvinhu zvose nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, mikumbiro yenyu ngaizikamwe kuna Mwari.
6应当毫无忧虑,只要凡事借着祷告祈求,带着感恩的心,把你们所要的告诉 神。
7Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu kubudikidza naKristu Jesu.
7这样, 神所赐超过人能了解的平安,必在基督耶稣里,保守你们的心思意念。
8Pakupedzisira, hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvinokudzwa, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodikamwa, zvinhu zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi.
8最后,弟兄们,凡是真实的、庄重的、公正的、纯洁的、可爱的、声誉好的,无论是什么美德,什么称赞,这些事你们都应当思念。
9Zvinhu izvo zvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai; Mwari werugare uchava nemwi.
9你们在我身上所学习、所领受、所听见、所看见的,这些事你们都应当实行;那么,赐平安的 神就必与你们同在。
10Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, nekuti zvino makamutsiridzazve kundirangarira; makanga marangarira, asi makashaiwa mukana.
10凡事知足的秘诀我在主里大大地喜乐,因为你们现在又再想起我来;其实你们一向都在想念我,只是没有机会表示。
11Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nekuti ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.
11我并不是因为缺乏才这样说:我已经学会了,无论在什么情况之下都可以知足。
12Ndinoziva zvose kuzvidzwa uye ndinoziva kuva nezvakawandawo; pachinhu chipi nechipi nepazvinhu zvose ndakadzidziswa zvose kuguta nekunzwa nzara, zvose kuva nezvizhinji nekushaiwa.
12我知道怎样处卑贱,也知道怎样处富裕;我已经得了秘诀,无论在任何情况之下,或是饱足,或是饥饿,或是富裕,或是缺乏,都可以知足。
13Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naKristu unondisimbisa.
13我靠着那加给我能力的,凡事都能作。
14Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.
14然而,你们一同分担了我的患难,实在是好的。
15Uye munozivawo imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva Makedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni maererano nekupa nokugamuchira, asi imwi moga;
15腓立比信徒的馈送腓立比的弟兄们,你们也知道,在我传福音的初期,离开马其顿的时候,除了你们以外,我没有收过任何教会的供给。
16Nekuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe, nekupamha pakushaiwa kwangu.
16我在帖撒罗尼迦的时候,你们还是一而再把我所需用的送来。
17Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.
17我并不求礼物,只求你们的果子不断增加,归在你们的帐上。
18Zvino ndine zvose, uye zvakawanzwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibayiro chinogamuchirwa, chinofadza kwazvo kuna Mwari.
18你们所送的我都全数收到了,而且绰绰有余;我已经足够了,因我从以巴弗提收到你们所送的,好像馨香之气,是 神所接纳所喜悦的祭物。
19Asi Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kose zvichienderana nefuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.
19我的 神必照他在基督耶稣里荣耀的丰富,满足你们的一切需要。
20Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
20愿荣耀归给我们的父 神,直到永远。阿们。
21Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
21问候与祝福问候在基督耶稣里的各位圣徒。同我在一起的弟兄们问候你们。
22Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.
22众圣徒,特别是凯撒家里的人,都问候你们。
23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Amen.
23愿主耶稣基督的恩惠与你们同在(“与你们同在”原文作“与你们的心灵同在”)。