1Zvirevo zvaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri.
1箴言的功用
2Kuti vanhu vazive uchenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere;
2要使人晓得智慧和教训,了解充满哲理的言语;
3Varairirwe nzira yokungwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka;
3使人领受明慧的教训,就是公义、公正和正直;
4Vasina mano vapiwe kungwara, Jaya ripiwe zivo nokuchenjera;
4使愚蒙人变成精明,使少年人获得知识和明辨的能力;
5Kuti wakachenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka.
5使智慧人听了,可以增长学问,使聪明人听了,可以获得智谋;
6Vanzwisise chirevo nomufananidzo, Mashoko avakachenjera nezvirabwe zvavo.
6使人明白箴言和譬喻,懂得智慧人的言词和他们的隐语。
7Kutya Jehovha ndiko kuvamba kwezivo; Mapenzi anoshora uchenjeri nokurairirwa.
7不受恶人的引诱敬畏耶和华是知识的开端,但愚妄人藐视智慧和教训。
8Mwanakomana wangu, inzwa kurairira kwababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
8我儿,要听从你父亲的教训,不可离弃你母亲的训诲。
9nekuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, Nengetani pamutsipa pako.
9因为这些要作你头上的华冠,作你颈上的金链。
10Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikugombedzera, Usatenda iwe.
10我儿,如果坏人引诱你,你不可随从他们。
11Kana vachiti, Hendei tose, Ngatirindire ropa; Ngativandire vasina mhosva kunyange pasina mhaka.
11如果他们说:“你跟我们来吧!我们要埋伏流人的血,我们要无故地潜伏伤害无辜的人;
12Ngativamedze vari vapenyu seSheori, Vari vakukutu saivo vanoburukira kugomba.
12我们要好像阴间一般,把他们活生生吞下,他们整个被我们吞下,如同下坑的人一样;
13Tichawana fuma yamarudzi mazhinji; Tichazadza dzimba dzedu nezvatakapamba;
13这样,我们必得着各样贵重的财物,把掠物装满我们的房子。
14Iwe uchava mumwe wedu; Tose tichava nechikwama chimwechete.
14加入我们的行列吧!我们大家共用一个钱袋。”
15Mwanakomana wangu, usafamba navo nenzira yavo; Dzora rutsoka rwako panzira yavo;
15我儿,不可和他们走在一起,禁止你的脚走他们的路;
16nekuti tsoka dzavo dzinovangira zvakaipa; Vanokurumidza kudurura ropa.
16因为他们的脚奔向邪恶,他们急于流人的血。
17nekuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dzichizviona.
17在飞鸟眼前张设网罗,是徒劳无功的。
18Vanhu ava vanogarira ropa ravo vamene; Vanozvivandira hupenyu hwavo.
18他们埋伏,是自流己血;他们潜伏,是自害己命。
19Ndizvo zvakaitawo nzira dzavose vanokarira fuma; Zvinotorera mwene wazvo upenyu hwake.
19凡是贪爱不义之财的,所走的路都是这样;那不义之财夺去了贪财者的性命。
20Uchenjeri hunodanidzira panzira dzomumusha; hunonzwisa inzwi rahwo panzvimbo dzakafara;
20当听智慧的呼唤智慧在街上呼喊,在广场上扬声;
21hunodana panzvimbo panoungana vazhinji; Pavanopinda pamasuwo, Paguta, ndipo pahunotaura mashoko ahwo, huchiti,
21在闹市中心呼叫,在城门口发出言语,说:
22Nhai imwi vasina mano, muchada kusava namano kusvikira rinhiko? nemwi vaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuvenga zivo?
22“你们愚蒙人喜爱愚蒙,好讥笑的人喜欢讥笑,愚昧人恨恶知识,要到几时呢?
23Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, Tarirai ndichadurura mweya wangu pamusoro penyu; Ndichakuzivisai mashoko angu.
23你们要因我的责备回转,我就把我的心意(“心意”或译:“灵”)向你们倾吐,把我的话指示你们。
24Zvandakadana, imwi mukaramba; Ndikatambanudza ruoko rwangu, kukasava nomunhu akarangarira;
24我呼唤,你们不肯听从;我伸手,没有人理会。
25Asi makazvidza mano angu ose, Mukaramba chose kuraira kwangu,
25你们既轻忽我的一切劝告,不肯接受我的责备;
26Naizvozvo neniwo ndichaseka kana mava munhamo yenyu; Ndichakudadirai, kana kutya kwenyu kuchisvika.
26所以你们遭难的时候,我就发笑;惊恐临到你们的日子,我就嗤笑。
27Kana kutya kwenyu kuchisvika sedutu guru, Nenhamo yenyu ichisvika sechamupupuri; Kana kutambudzika nokudumbirwa zvichikuwirai.
27惊恐临到你们好像风暴,灾难如同飓风来临,患难困苦临到你们身上。
28Nenguva iyo uchadana kwandiri, asi handingapinduri; Vachanditsvaka zvikuru, asi havangandiwani.
28那时,他们必呼求我,我却不回答;他们切切寻找我,却寻不见;
29Zvavakavenga zivo, Vakasazvitsaurira kutya Jehovha,
29因为他们恨恶知识,不选择敬畏耶和华;
30Vakaramba mano angu ose, Vakashora kuraira kwangu kose,
30不接受我的劝告,轻视我的一切责备;
31Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo; Vachagutswa namano avo.
31所以,他们必自食其果,必饱尝自己所设计谋的伤害。
32nekuti kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya, Kusava nehanya kwamapenzi kuchavaparadza.
32愚蒙人的背道必杀害他们自己,愚昧人的安逸必毁灭他们自己;
33Asi ani naani anonditeerera achagara zvakasimba, Achagadzikana, asingatyi zvakaipa.
33唯有听从我的,必安然居住,得享安宁,免受灾祸的惊恐。”