1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;
1智慧使人认识 神
2Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;
2留心听智慧,致力求聪明;
3Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;
3如果你为求哲理而呼喊,为求聪明而扬声;
4Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;
4如果你寻找它如同寻找银子,搜寻它好像搜寻宝藏;
5Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.
5你就明白怎样敬畏耶和华,并且获得对 神的认识。
6nekuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,
6因为耶和华赐人智慧,知识和聪明都出自他的口。
7Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;
7他为正直人珍藏大智慧,给行为完全的人作盾牌;
8nekuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.
8为要看顾正直人的路径,护卫虔诚人的道路。
9Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.
9这样,你就明白公义、公正、正直,以及一切善道。
10nekuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;
10智慧使人行走义路智慧必进入你的心,知识必使你欢悦。
11Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;
11明辨的能力必护卫你,聪明必看顾你;
12Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;
12要救你脱离邪恶的道路,脱离说话乖谬的人。
13Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;
13那些人离弃正道,走上黑暗的道路。
14Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.
14他们喜欢行恶,喜悦恶人的乖谬。
15Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;
15他们的道路弯曲,他们的行径偏离正道。
16Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.
16智慧要救你脱离淫乱的妇人,脱离说谄媚话的妓女(“妓女”原文作“外国女子”)。
17Iye, anorasha shamwari youduku hwake, Achikangamwa sungano yaMwari wake.
17她离弃年轻的配偶,忘记了 神的约;
18nekuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;
18她的家陷入死地,她的路径下落阴间。
19Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;
19凡是进到她那里去的,都不能转回,必得不着生路。
20Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
20因此,智慧必使你走在良善人的道上,持守义人的路。
21nekuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.
21因为正直人必在地上安居,完全人必在世上存留;
22Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
22但恶人必从地上除灭,行事奸诈的必从世上拔除。