1Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; Nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.
1大卫的训诲诗,是在山洞时作的,是一篇祷告。我大声向耶和华呼求,高声向耶和华恳求。
2Ndinodurura kuchema kwangu pamberi pake; Ndinomuzivisa kutambudzika kwangu.
2我在他面前倾吐我的苦情,在他面前陈述我的患难。
3Panguva yokumanikidzwa komweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo.
3我的灵在我里面软弱的时候,你知道我的道路。在我所行的路上,敌人暗设网罗陷害我。
4Tarirai kurudyi rwangu, muone; nekuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu.
4求你向我右边观看,没有人关心我;我没有逃难的地方,也没有人照顾我。
5Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.
5耶和华啊!我向你呼求;我说:“你是我的避难所,是我在活人之地的业分。
6Teererai kudanidzira kwangu; nekuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nekuti vanondikurira nesimba.
6求你留心听我的呼求,因为我落到极卑微的地步;求你救我脱离逼迫我的人,因为他们比我强大。
7Budisai mweya wangu patirongo, kuti ndivonge zita renyu; Vakarurama vachandipoteredza; nekuti muchandiitira zvakanaka kwazvo.
7求你把我从牢狱中领出来,好让我称赞你的名;义人必环绕着我,因为你以厚恩待我。”