1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.
1大卫的诗。耶和华啊!求你听我的祷告,留心听我的恳求,凭你的信实和公义应允我。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Regai kutonga muranda wenyu; nekuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.
2求你不要审判你的仆人,因为凡活着的人,在你面前没有一个是义的。
3nekuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.
3仇敌逼迫我,把我压倒在地,使我住在黑暗之处,像死了很久的人一样。
4Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.
4因此我的灵在我里面软弱,我的心在我里面战栗。
5Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.
5我追念以往的日子,默想你的一切作为,沉思你手所作的。
6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.
6我向你伸出双手,我的心渴想你,好像干旱的地盼望雨水一样。(细拉)
7Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.
7耶和华啊!求你快快应允我,我的心灵已经衰竭,求你不要向我掩面,免得我像那些下坑的人一样。
8Ndinzwisei unyoro bwenyu mangwanani; nekuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
8求你使我清晨得闻你的慈爱,因为我倚靠你。求你指示我当走的路,因为我的心仰望你。
9Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemwi.
9耶和华啊!求你救我脱离我的仇敌,我往你那里藏身。
10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nekuti ndimwi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,
10求你教我遵行你的旨意,因为你是我的 神;愿你至善的灵引导我到平坦的地。
11Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.
11耶和华啊!求你为你名的缘故使我存活,按着你的公义把我从患难中领出来。
12Pedzai vavengi vangu nounyoro bwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; nekuti ndiri muranda wenyu.
12求你因你的慈爱使我的仇敌灭绝,求你消灭所有苦害我的人,因为我是你的仆人。