1Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha, nekuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nekuda kwangu.
1大卫的诗:献殿之歌。耶和华啊!我要尊崇你,因为你曾救拔我,不容我的仇敌向我夸耀。
2Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imwi mukandiponesa.
2耶和华我的 神啊!我曾向你呼求,你也医治了我。
3Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.
3耶和华啊!你曾把我从阴间救上来,使我存活,不至于下坑。
4Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imwi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.
4耶和华的圣民哪!你们要歌颂耶和华,赞美他的圣名。
5nekuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi tsitsi dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
5因为他的怒气只是短暂的,他的恩惠却是一生一世的;夜间虽然不断有哭泣,早晨却必欢呼。
6Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.
6至于我,我在安稳的时候曾说:“我必永不动摇。”
7Imwi Jehovha, netsitsi dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
7耶和华啊!你的恩宠,使我坚立,如同大山;你一掩面,我就惊惶。
8Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;
8耶和华啊!我曾向你呼求;我曾向我主恳求,说:
9Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira chokwadi chenyu here?
9“我被害流血,下到深坑,有什么益处呢?尘土还能称赞你,还能传扬你的信实吗?
10Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
10耶和华啊!求你垂听,恩待我;耶和华啊!求你帮助我。”
11Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;
11你已经把我的悲哀变为舞蹈,把我的麻衣脱去,又给我穿上欢乐;
12Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
12好让我的灵(“灵”或译:“荣耀”或“肝”;与16:9,57:8,108:1同)歌颂你,永不停止。耶和华我的 神啊!我要永远称赞你。