1Wakakomborerwa uyo kudarika kwake kwakakangamwirwa, akafukidzirwa zvivi zvake
1大卫的训诲诗。过犯得蒙赦免,罪恶得到遮盖的人,是有福的。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.
2心里没有诡诈,耶和华不算为有罪的,这人是有福的。
3Panguva yandakaramba ndinyerere, mafupa angu akasakara nokuvovora kwangu zuva rose.
3我闭口不认罪的时候,就整天唉哼,以致骨头衰残。
4nekuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.
4因为你的手昼夜重压在我身上,我的精力耗尽,好像盛暑的干旱。(细拉)
5Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha; Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.
5我向你承认我的罪,没有隐藏我的罪孽;我说:“我要向耶和华承认我的过犯”;你就赦免我的罪孽。(细拉)
6Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.
6因此,凡是敬虔的人,都当趁你可寻找的时候,向你祷告;大水泛滥的时候,必不能达到他那里。
7Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.
7你是我藏身之处,你必保护我脱离患难,以得救的欢呼四面环绕我。(细拉)
8Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.
8我要教导你,指示你应走的路;我要劝戒你,我的眼睛看顾你。
9Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.
9你不可像无知的骡马,如果不用嚼环辔头勒住它们,它们就不肯走近。
10Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.
10恶人必受许多痛苦;但倚靠耶和华的,必有慈爱四面环绕他。
11Farai muna Jehovha, mufarisise, imwi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.
11义人哪!你们要靠着耶和华欢喜快乐;所有心里正直的人哪!你们都要欢呼。