Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Psalms

34

1Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.
1大卫的诗,是他在亚比米勒面前装疯,被驱逐离去时作的。我要时常称颂耶和华,赞美他的话必常在我口中。
2Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.
2我的心要因耶和华夸耀,困苦的人听见了就喜乐。
3Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
3你们要跟我一起尊耶和华为大,我们来一同高举他的名。
4Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kose.
4我曾求问耶和华,他应允了我,救我脱离一切恐惧。
5Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.
5人仰望他,就有光彩,他们的脸必不蒙羞。
6Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.
6我这困苦人呼求,耶和华就垂听,拯救我脱离一切患难。
7Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.
7耶和华的使者,在敬畏他的人周围扎营,搭救他们。
8Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Wakakomborerwa munhu anovimba naye.
8你们要亲自体验,就知道耶和华是美善的;投靠他的人,都是有福的。
9Ityai Jehovha, imwi vatsvene vake; nekuti vanomutya havana chavanoshaiwa.
9耶和华的圣民哪!你们要敬畏他,因为敬畏他的一无所缺。
10Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.
10少壮狮子有时还缺食挨饿,但寻求耶和华的,什么好处都不缺。
11Uyai imwi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
11孩子们!你们要来听我;我要教导你们敬畏耶和华。
12Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?
12谁喜爱生命,爱慕长寿,享受美福,
13Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.
13就要禁止舌头不出恶言,嘴唇不说诡诈的话;
14Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.
14也要离恶行善,寻找并追求和睦。
15Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.
15耶和华的眼睛看顾义人,他的耳朵垂听他们的呼求。
16Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.
16耶和华的脸敌对作恶的人,要把他们的名从世上除掉。
17Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.
17义人哀求,耶和华就垂听,搭救他们脱离一切患难,
18Jehovha ari pedo nevane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.
18耶和华亲近心中破碎的人,拯救灵里痛悔的人,
19Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.
19义人虽有许多苦难,但耶和华搭救他脱离这一切。
20Anochengeta mafupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.
20耶和华保全他一身的骨头,连一根也不容折断。
21Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.
21恶人必被恶害死;憎恨义人的,必被定罪。
22Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.
22耶和华救赎他仆人的性命;凡是投靠他的,必不被定罪。