1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.
1大卫的记念诗。耶和华啊!求你不要在忿怒中责备我,也不要在烈怒中管教我。
2nekuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.
2因为你的箭射入我身,你的手压住我。
3Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamafupa angu nokuda kwechivi changu.
3因你的忿怒,我体无完肤;因我的罪恶,我的骨头都不安妥。
4Nekuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.
4我的罪孽高过我的头,如同重担,使我担当不起。
5Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kohupenzi hwangu.
5因为我的愚昧,我的伤口发臭流脓。
6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.
6我屈身弯腰,弯到极低,整天哀痛,到处行走。
7Nekuti chiuno changu chizere nevutsva; Hakuchina hukukutu panyama yangu.
7我的两腰灼痛,我体无完肤。
8Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kokutambudzika komoyo wangu.
8我已经疲乏无力,被压得粉碎了;我因心里痛苦而唉哼。
9Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.
9主啊!我的心愿都在你面前,我不向你隐瞒我的叹息。
10moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.
10我的心剧烈跳动,我的力量衰退;连我眼中的光彩也消逝了。
11Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.
11我的良朋密友因我的灾祸,都站到一旁去;我的亲人也都站得远远的。
12Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.
12那些寻索我命的,设下网罗;那些想要害我的,口说威吓的话,他们整天思想诡计。
13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.
13至于我,像个聋子,不能听见;像个哑巴,不能开口。
14Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.
14我竟变成了一个像是不能听见的人,变成了一个口中不能反驳的人。
15Nekuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; imwi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.
15耶和华啊!我等候你;主我的 神啊!你必应允我。
16Nekuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.
16因为我曾说:“你要让他们向我夸耀;我的脚滑跌的时候,不要让他们向我夸口。”
17Nekuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.
17我随时会跌倒,我的痛苦常在我面前。
18Nekuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.
18我要承认我的罪孽,我要因我的罪忧伤。
19Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.
19但我强悍的仇敌众多,无理憎恨我的不断增加。
20Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nekuti ndinotevera chinhu chakanaka.
20那些以恶报善的都与我作对,因为我追求良善。
21Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.
21耶和华啊!求你不要离弃我;我的 神啊,求你不要远离我。
22Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imwi muponesi wangu.
22拯救我的主啊!求你快来帮助我。