1Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nekuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.
1大卫的金诗,交给诗班长,调用“远方无声鸽”,是大卫在迦特被非利士人捉住时作的。 神啊!求你恩待我,因为人要践踏我;他们终日攻击我,迫害我。
2Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose, nekuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.
2我的仇敌终日践踏我,攻击我的人很多。
3Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.
3至高者(“至高者”原文放在第2节末,在那里或译:“因逞骄傲攻击我的人很多”)啊!我惧怕的时候,就要倚靠你。
4MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?
4靠着 神,我要赞美他的话;我倚靠 神,就必不惧怕,人能把我怎么样呢?
5Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.
5他们终日歪曲我的话,常常设计谋陷害我。
6Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.
6他们聚集在一起,埋伏着,窥探我的脚踪,等候要害我的性命。
7Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.
7愿他们因罪孽的缘故不能逃脱; 神啊!愿你在怒中使这些人败落。
8imwi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?
8我多次流离,你都数算;你把我的眼泪装在你的皮袋里。这不都记在你的册子上吗?
9ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
9我呼求你的时候,我的仇敌就都转身退后;因此我知道 神是帮助我的。
10MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.
10靠着 神,我要赞美他的话;靠着耶和华,我要赞美他的话。
11Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?
11我倚靠 神,就必不惧怕,人能把我怎么样呢?
12Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.
12 神啊!我要偿还我向你所许的愿,我要把感谢祭献给你。
13Nekuti makarwira mweya wangu parufu; hongu makumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.
13因为你救了我的性命脱离死亡;你不是救了我的脚不跌倒,使我在生命的光中,行在 神你的面前吗?