1Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imwi Wekumusoro-soro;
1诗一首,安息日的歌。称谢耶和华,歌颂你至高者的名;
2Kuparidza unyoro bwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,
2早晨传扬你的慈爱,夜间传讲你的信实;
3Nechinoridzwa chine hungiso gumi, nomutengeramwa; Nenzwi rakanaka pambira.
3弹奏十弦的乐器和瑟,又用琴弹出美妙的声音,这是多么美的事(“这是多么美的事”原文是在第1节;第1至第3节是一个整体)。
4nekuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.
4耶和华啊!你借着你的作为使我欢喜,我要因你手的工作欢呼。
5Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
5耶和华啊!你的工作多么伟大,你的心思极为深奥。
6Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,
6无理性的人不晓得,愚昧的人不明白这事:
7Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.
7恶人虽好像草一样繁茂,所有作孽的人虽然兴旺,他们都要永远灭亡。
8Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.
8但你耶和华永远是至高的。
9Nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.
9耶和华啊!你的仇敌必灭亡,你的仇敌必定灭亡;所有作孽的都必被分散。
10Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.
10你却高举了我的角,像野牛的角;你用新油膏抹我。
11Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.
11我亲眼看见那些窥伺我的人遭报,我亲耳听见那些起来攻击我的恶人受罚。
12Wakarurama uchamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.
12义人必像棕树一样繁茂,像黎巴嫩的香柏树一样高耸。
13Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.
13他们栽在耶和华的殿中,在我们 神的院子里繁茂生长。
14Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;
14他们年老的时候仍要结果子,经常保持茂盛青翠,
15Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.
15好显明耶和华是正直的;他是我的磐石,在他里面没有不义。