Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Psalms

91

1Uyo agere panzvimbo yokuvanda yeWekumusoro-soro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.
1亲近 神的必蒙荫庇住在至高者的隐密处的,必在全能者的荫庇下安居。
2Ndichati pamusoro paJehovha, Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.
2我要对耶和华说:“你是我的避难所,我的保障,你是我的 神,我所倚靠的。”
3nekuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru.
3他必救你脱离捕鸟的人的网罗,脱离致命的瘟疫。
4Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; chokwadi chake inhovo huru neduku.
4他必用自己的羽毛遮盖你,你要投靠在他的翅膀底下;他的信实像盾牌,像坚垒。
5Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;
5你不必害怕黑夜的惊恐,或是白日的飞箭;
6Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.
6也不必害怕黑暗中流行的瘟疫,或是在正午把人毁灭的毒病。
7Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.
7虽有千人仆倒在你的左边,万人仆倒在你的右边,但灾害必不临近你。
8uchangozvitarira hako nameso ako Ukaona mubayiro wavakaipa.
8不过你要亲眼观看,看见恶人遭报。
9Nekuti imwi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wekumusoro-soro ugaro hwako.
9你既然把耶和华当作自己的避难所,把至高者当作自己的居所,
10Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana hosha ichaswedera patende rako.
10祸患必不临到你,灾害必不临近你的帐棚。
11Nekuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.
11因为他为了你,会吩咐自己的使者,在你所行的一切路上保护你。
12Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
12他们必用手托住你,免得你的脚碰到石头。
13Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.
13你必践踏狮子和虺蛇。你必踏碎少壮狮子和大蛇。
14Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nekuti wakaziva zita rangu.
14耶和华说:“因为他恋慕我,我必搭救他;因为他认识我的名,我必保护他。
15Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.
15他求告我,我必应允他;他在患难中,我必与他同在;我必拯救他,使他得尊荣。
16Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.
16我必使他得享长寿,又向他显明我的救恩。”