1Ishe, makanga muri ugaro bwedu Pamarudzi namarudzi.
1神人摩西的祈祷。主啊!你世世代代作我们的居所。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imwi muri Mwari.
2群山尚未生出,大地和世界你未曾造成,从永远到永远,你是 神。
3Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, Dzokai vana vavanhu.
3你使人归回尘土,说:“世人哪!你们要归回尘土。”
4nekuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
4在你看来,千年好像刚过去了的昨天,又像夜里的一更。
5Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunotunga.
5你使世人消逝,像被洪水冲去;他们好像睡了一觉;他们又像在早晨生长的草,
6Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
6早晨发芽生长,晚上就凋萎枯干。
7nekuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.
7我们因你的怒气而消灭,因你的烈怒而惊恐。
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
8你把我们的罪孽摆在你面前,把我们的隐恶摆在你脸光之中。
9Nekuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sebefu.
9我们一生的日子都在你的震怒中消逝,我们度尽的年岁好像一声叹息。
10Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo chete. nekuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
10我们一生的年日是七十岁,如果强壮,可到八十岁,但其中可夸耀的,不过是劳苦愁烦;我们的年日转眼即逝,我们也如飞而去了。
11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
11谁晓得你怒气的威力,谁按着你该受的敬畏晓得你的忿怒呢?
12Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera.
12求你教导我们怎样数算自己的日子,好使我们得着智慧的心。
13Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? nzwirai tsitsi varanda venyu.
13耶和华啊!要到几时呢?求你回心转意,求你怜恤你的仆人。
14Tigutsei mangwanani netsitsi dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
14求你使我们早晨饱尝你的慈爱,好使我们一生一世欢呼喜乐。
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa.
15你使我们受苦和遭难的年日有多久,求你使我们喜乐的日子也有多久。
16Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
16愿你的作为向你的仆人彰显,愿你的威严向他们的子孙显明。
17Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.
17愿主我们的 神的恩慈临到我们身上;愿你为我们的缘故,坚立我们手所作的工;我们手所作的工,愿你坚立。