Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Romans

10

1Hama, chishuwo zvirokwazvo chemoyo wangu, nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndecheruponeso rwavo.
1弟兄们,我心里切切盼望的,并且为以色列人向 神祈求的,是要他们得救。
2Nekuti ndinopupura nezvavo kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete maererano neruzivo.
2我可以为他们作证,他们对 神有热心,但不是按着真见识;
3Nekuti ivo zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
3他们既然不明白 神的义,而又企图建立自己的义,就不服 神的义了。
4Nekuti Kristu mugumo wemurairo pakururama, kuna ani nani unotenda.
4因为律法的终极就是基督,使所有信的人都得着义。
5Nekuti Mozisi unotsanangura kururama kuri kwemurairo, kuti munhu unoita zvinhu izvozvo uchararama nazvo.
5求告主名的都必得救论到出于律法的义,摩西写着说:“遵行这些事的人就必因这些事而活。”
6Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani uchakwira kudenga? uku ndiko kuti kuburusa Kristu;
6但那出于信心的义却这样说:“你心里不要说:‘谁要升到天上去呢?’(就是要把基督领下来,)
7kana kuti: Ndiani uchaburukira kwakadzikadzika? uku ndiko kuti kubudisa Kristuzve kuvakafa.
7或是说:‘谁要下到深渊去呢?’(就是要把基督从死人中领上来。)”
8Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; ndiro shoko rerutendo ratinoparidza;
8然而那出于信心的义还说什么呢?”这话与你相近,在你口里,也在你心里。”这话就是我们所传信心的信息。
9kuti, kana iwe uchibvuma nemuromo wako Ishe Jesu, nerutendo mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
9你若口里认耶稣为主,心里信 神使他从死人中复活,就必得救;
10nekuti nemoyo munhu unotenda kova kururama; uye nemuromo unobvuma kova kuponeswa.
10因为心里相信就必称义,用口承认就必得救。
11Nekuti rugwaro rwunoti: Ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.
11经上说:“所有信靠他的人,必不致失望。”
12Nekuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nekuti ishe mumwe chete wevose wakafuma kune vose vanonamata kwaari.
12其实并不分犹太人和希腊人,因为大家同有一位主;他厚待所有求告他的人,
13Nekuti ani nani uchadana kuzita raIshe, uchaponeswa.
13因为“凡求告主名的,都必得救。”
14Zvino vachagodana sei kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Vachanzwa sei vasina muparidzi?
14然而,人还没有信他,怎能求告他呢?没有听见他,怎能信他呢?没有人传扬,怎能听见呢?
15Vachaparidza sei vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, nevanoparidza mashoko emufaro ezvinhu zvakanaka?
15如果没有蒙差遣,怎能传扬呢?如经上所记:“那些传美事报喜讯的人,他们的脚踪多么美!”
16Asi vose havana kuteerera evhangeri. Nekuti Isaya unoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakaparidza?
16但并不是所有的人都顺从福音,因为以赛亚说:“主啊,我们所传的,有谁信呢?”
17Naizvozvo rutendo rwunouya nekunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
17可见信心是从所听的道来的,所听的道是借着基督的话来的。
18Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, Inzwi ravo rakaenda kunyika yose; nemashoko avo kumigumo yenyika.
18但是我要说,他们没有听见吗?他们的确听见了,如经上所记:“他们的声音传遍全地,他们的言语传到地极。”
19Asi ndinoti: Israeri haana kuziva here? Pakutanga Mozisi unoti: Ndichakumutsirai godo kwete nevatorwa, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
19我再说:以色列人真的不明白吗?首先,摩西说:“我要使你们对那不是子民的生嫉妒,对那无知的民族起忿怒。”
20NaIsaya une ushingi uye unoti: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka; ndakaratidzwa kune vasina kundibvunza.
20后来,以赛亚也放胆地说:“没有寻找我的,我让他们找到;没有求问我的,我向他们显现。”
21Asi kuna Israeri unoti: Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, nevanokakavara.
21论到以色列人,他却说:“我整天向那悖逆顶嘴的子民伸开双手。”