1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
1 神拣选以色列人
2kuti ndinoshushikana kwazvo neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.
2我大大忧愁,心里常常伤痛。
3Nekuti ndaishuva kuti ini ndomene ndipiwe rushambwa kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, ivo verudzi rwangu panyama;
3为我的同胞,就是我骨肉之亲,就算自己受咒诅,与基督隔绝,我也甘心。
4ndivo vaIsraeri vane kuitwa vana nekubwinya nesungano nekupiwa kwemurairo, neushumiri, nezvivimbiso;
4他们是以色列人:嗣子的名分、荣耀、众约、律法、敬拜的礼仪和各样的应许,都是他们的。
5madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, iye uri pamusoro pezvose, Mwari unokudzwa narinhi. Ameni.
5蒙拣选的列祖也是他们的祖宗;按肉身来说,基督也是出自他们这一族。其实,他是在万有之上,永远受称颂的 神。阿们。
6Kwete shoko raMwari serakakundikana. Nekuti havazi vaIsraeri vose vakabva kuvaIsraeri;
6当然,这不是说 神的话落了空,因为出自以色列的,不都是以色列人;
7Kana nekuti imbeu yaAbhurahamu, vose vana, asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.
7也不因为他们是亚伯拉罕的后裔,就都成为他的儿女,只有“以撒生的,才可以称为你的后裔”,
8Ndiko kuti: Avo vari vana venyama, ava havasi vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.
8这就是说,肉身生的儿女并不是 神的儿女,只有凭着应许生的儿女才算是后裔。
9Nekuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara uchava nemwanakomana.
9因为所应许的话是这样:“明年这个时候我要来,撒拉必定生一个儿子。”
10Handizvo chete; asi Ribhekawo wakati ava nemimba kune umwe, iye Isaka baba vedu;
10不但如此,利百加也是这样:既然从一个人,就是从我们的祖宗以撒怀了孕,
11nekuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa kuti zano raMwari maererano nesananguro risimbiswe, kwete namabasa, asi naiye unodana,
11双生子还没有生下来,善恶也没有行出来(为要坚定 神拣选人的旨意,
12zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko,
12不是由于行为,而是由于那呼召者), 神就对她说:“将来大的要服事小的。”
13Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
13正如经上所记的:“我爱雅各,却恶以扫。”
14Zvino tichatiyi? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!
14既是这样,我们可以说什么呢? 神不公平吗?绝对不会!
15Nekuti unoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandichava netsitsi naye, ndichava netsitsi kune wandinetsitsi naye.
15因为他对摩西说:“我要怜悯谁,就怜悯谁;我要恩待谁,就恩待谁。”
16Naizvozvo zvino hazvisi zveunoda, kana unomhanya, asi zvaMwari unonzwira tsitsi.
16这样看来,既不是出于人意,也不是由于人为,只在于那怜悯人的 神。
17Nekuti Rugwaro runoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
17经上有话对法老说:“我把你兴起来,是要借着你显出我的大能,并且使我的名传遍全地。”
18Naizvozvo unonzwira tsitsi iye waanoda; uye unowomesa moyo wewaanoda.
18这样看来,他愿意怜悯谁就怜悯谁,愿意谁刚硬就使谁刚硬。
19Zvino iwe uchati kwandiri: Iye uchawanirei mhosva? Nekuti ndiani ungapikisa kuda kwake?
19 神显出忿怒又施行怜悯这样,你会对我说:“那么他为什么责怪人呢?有谁抗拒他的旨意呢?”
20Haiwa, asi iwe munhu ndiwe ani unokakavadzana naMwari? Ko chinhu chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wandiitirei sezvizvi?
20你这个人哪,你是谁,竟敢跟 神顶嘴呢?被造的怎么可以对造他的说:“你为什么把我做成这个样子呢?”
21Ko muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?
21陶匠难道没有权用同一团的泥,又做贵重的、又做卑贱的器皿吗?
22Zvino kana Mwari achida kuratidza kutsamwa kwake, nekuita kuti simba rake rizikamwe, atakura nemoyo murefu midziyo yekutsamwirwa yakagadzirirwa kuparadzwa;
22如果 神有意要显明他的忿怒,彰显他的大能,而多多容忍那可怒、预备遭毁灭的器皿,
23uye kuti azivise fuma yokubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,
23为了要使他丰盛的荣耀,彰显在那蒙恩、早已预备要得荣耀的器皿上,这又有什么不可呢?
24yaakadanawo uye yatiri isu, kusiri kuvaJudha chete, asi nekuvahedheni?
24这器皿就是我们这些不但从犹太人中,也从外族人中蒙召的人。
25Sezvaanorevawo kuna Hosiya achiti: Vakange vasi vanhu vangu ndichavaidza vanhu vangu; naiye wakange asingadikamwi mudikamwa.
25就如 神在何西阿书上说的:“我要称那不是我子民的为我的子民,那不蒙爱的为蒙爱的;
26Zvino zvichaitika kuti panzvimbo pakanzi kwavari: Hamuzi vanhu vangu, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.
26从前在什么地方对他们说:你们不是我的子民,将来就在那里称他们为永活 神的儿子。”
27Isaya unodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
27以赛亚指着以色列人大声说:“以色列子孙的数目虽然多如海沙,得救的不过是剩下的余数;
28nekuti uchapedza basa nekugurisira mukururama nekuti basa rakagurisirwa richaitwa naMwari panyika.
28因为主必在地上迅速而彻底地成就他的话。”
29Sezvaakagara zvareva Isaya, achiti: Kunze kwekuti Ishe wehondo atisiira mbeu, tingadai takaitwa seSodhoma, takaitwa vakafanana neGomora.
29又如以赛亚早已说过的:“如果不是万军之主给我们存留后裔,我们早就像所多玛和蛾摩拉一样了。”
30Zvino tichatiyi? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwerutendo;
30以色列人因为不信而绊倒既是这样,我们还有什么可说的呢?那不追求义的外族人却得了义,就是因信而得的义。
31asi Israeri achitsvakisisa murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.
31但以色列人追求律法的义(“律法的义”原文作“义的律法”),却达不到律法的要求。
32Nei? Nekuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo, nekuti vakagumburwa nebwe rinogumbura.
32这是什么缘故呢?因为他们不凭信心,只靠行为。他们绊倒在那绊脚石上,
33Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinogadza paZiyoni ibwe rekugumbura, nedombo rekupinganidza; uye ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.
33正如经上所记:“看哪,我在锡安放了一块绊脚石,是绊倒人的磐石;信靠他的人,必不致失望。”