Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Romans

3

1Ko muJudha uri nani nei? Kana kudzingiswa kune mubairo wei?
1犹太人独特的地方
2Zvizhinji nemitoo yose; nekuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.
2从各方面来说,的确很多。最重要的,是 神的圣言已经托付了他们。
3Zvino kana vamwe vasina rutendo? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?
3即使有人不信,又有什么关系呢?难道他们的不信会使 神的信实无效吗?
4Ngazvisadaro! asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wose murevi wenhema; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.
4绝不可能! 神总是诚实的,人却是虚谎的,正如经上所记:“你在话语上,显为公义;你被论断时,必然得胜。”
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatii? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanodurura hasha?(Ndinotaura semunhu.)
5我且照着人的见解来说,我们的不义若彰显 神的义,我们可以说什么呢?难道降怒的 神是不义的吗?
6Ngazvisadaro! kana zvikasadaro Mwari ungagozotonga nyika sei?
6绝对不是!如果是这样, 神怎能审判世界呢?
7Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa kubudikidza nenhema dzangu parumbidzo yake, ko iniwo ndichiri kutongerwei semutadzi?
7但是 神的诚实,如果因我的虚谎而更加显出他的荣耀来,为什么我还要像罪人一样受审判呢?
8Uye kana zvikadai, tichapomerwa zvakaipa uye sezvinopupura vamwe vachiti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kurashwa kwavo kuve kwekururama.
8为什么不说:“我们去作恶以成善吧!”(有人毁谤我们,说我们讲过这话。)这种人被定罪是理所当然的。
9Ko zvino-ke? Tiri nani here? Kwete nepaduku pose; nekuti tambopa vose mhosva, vaJudha nevaGiriki, kuti vose vari pasi pechivi;
9世上一个义人也没有那又怎么样呢?我们比他们强吗?绝不是的。因为我们已经控诉过,无论是犹太人或是希腊人,都在罪恶之下,
10sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;
10正如经上所说:“没有义人,连一个也没有,
11hakuna unonzwisisa; hakuna unotsvaka Mwari;
11没有明白的,没有寻求 神的;
12vose vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo, Hakuna unoita zvakanaka, kwete kunyange neumwe;
12人人都偏离了正道,一同变成污秽;没有行善的,连一个也没有。
13Huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu hwuri pasi pemiromo yavo;
13他们的喉咙是敞开的坟墓,他们用舌头弄诡诈,他们嘴里有虺蛇的毒,
14Muromo wavo uzere nekutuka nekuvava;
14满口是咒骂和恶毒;
15tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
15为了杀人流血,他们的脚步飞快,
16Kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo;
16在经过的路上留下毁灭和悲惨。
17uye nzira yerugare havana kuiziva;
17和睦之道,他们不晓得,
18kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.
18他们的眼中也不怕 神。” 
19Zvino toziva kuti zvinhu zvose zvinorehwa nemurairo zvinoreva kune vose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
19然而我们晓得,凡律法所说的,都是对在律法之下的人说的,好让每一个人都没有话可讲,使全世界的人都伏在 神的审判之下。
20Naizvozvo kubudikidza nemabasa emurairo, hakuna nyama inganzi yakarurama pamberi pake; nekuti zvivi zvinoziviswa nemurairo.
20没有一个人可以靠行律法,在 神面前得称为义,因为借着律法,人对于罪才有充分的认识。
21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pasina murairo, kuchipupurwa nezvako nemurairo nevaporofita;
21因信基督白白称义现在,有律法和先知的话可以证明: 神的义在律法之外已经显明出来,
22kunyange kururama kwaMwari nerutendo rwaJesu Kristu kune vose nepamusoro pevose vanotenda; nekuti hapana musiyano;
22就是 神的义,因着信耶稣基督,毫无区别地临到所有信的人。
23nekuti vose vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari.
23因为人人都犯了罪,亏缺了 神的荣耀,
24Vachinzi havana mhosva pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu.
24但他们却因着 神的恩典,借着在基督耶稣里的救赎,就白白地称义。
25Iye wakagadzwa naMwari, kuva mumiririri kubudikidza nerutendo muropa rake, kuratidza kururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;
25 神设立了耶稣为赎罪祭(“赎罪祭”原文作“蔽罪所”),是凭着他的血,借着人的信,为的是要显明 神的义;因为 神用忍耐的心宽容了人从前所犯的罪,
26kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva ino, kuti ave wakarurama uye mururamisi werutendo rwaJesu.
26好在现今显明他的义,使人知道他自己为义,又称信耶稣的人为义。
27Zvino kuzvikudza kuripi? Kwasiiwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.
27这样,有什么可夸的呢?没有可夸的了。凭什么准则说没有的呢?凭行为吗?不是的,而是以信心为准则说的。
28Naizvozvo tinogura kuti munhu unoruramiswa nerutendo pasina mabasa emurairo.
28因为我们认定,人称义是由于信,并不是靠行律法。
29NdiMwari wevaJudha voga here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu, wevahedheniwo;
29难道 神只是犹太人的 神吗?不也是外族人的 神吗?是的,他也是外族人的 神。
30Mwari zvaari mumwe, ucharuramisa kudzingiswa kubudikidza nerutendo, nekusadzingiswa kubudikidza nerutendo.
30 神既然只有一位,他就以信为准则称受割礼的为义,也要以信为准则称没有受割礼的为义。
31Zvino tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.
31这样说来,我们以信废掉了律法吗?绝对不是,倒是巩固了律法。