1Zvino tichati Abhurahamu baba vedu wakawanei panyama?
1亚伯拉罕因信称义
2Nekuti dai Abhurahamu akanzi wakarurama nemabasa ake, une kuzvikudza; asi kwete pamberi paMwari.
2亚伯拉罕若是因行为称义,就有可夸的,只是不能在 神面前夸口。
3Nekuti Rugwaro runoti kudini? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
3经上怎么样说呢?”亚伯拉罕信 神,这就算为他的义。”
4Asi kune unoshanda, mubairo hautorwi sowenyasha, asi wengava.
4作工的得工资,不算是恩典,是他应得的。
5Asi kune usingashandi, asi unotenda kuna iye unoruramisa usingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama.
5可是,那不作工而只信那称不敬虔的人为义的 神的,他的信就算为义了。
6SaDhavhidhiwo achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu unoverengwa naMwari sewakarurama kunze kwemabasa, achiti:
6大卫也是这样说,那不靠行为而蒙 神算为义的人是有福的!
7Vakaropafadzwa vakakangamwirwa zvakaipa zvavo, vane zvivi zvakafukidzirwa;
7“过犯得蒙赦免,罪恶得到遮盖的人,是有福的;
8Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingaverengeri chivi.
8主不算为有罪的,这人是有福的。”
9Zvino kuropafadzwa uku kuri pamusoro pokudzingiswa here kana pamusoro pokusadzingiswawo? Nekuti tinoti rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahamu kuti kururama.
9这样看来,那有福的人,是指受割礼的呢,还是指没有受割礼的呢?因为我们说:“亚伯拉罕的信算为他的义。”
10Zvino kwakaverengwa sei? Ari mukudzingiswa here kana mukusadzingiswa? kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa.
10那么,是怎样算的呢?是在他受割礼以后呢,还是在他受割礼之前呢?不是在他受割礼以后,而是在他受了割礼以前。
11Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, chive chisimbiso chekururama kwerutendo, rwaakanga anarwo asati adzingiswa; kuti ave baba vevose avo vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo;
11他领受了割礼为记号,作他受割礼之前因信称义的印证,使他作所有没有受割礼而信之人的父,使他们也被算为义;
12uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vekudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahamu, kwevaiva nako vasati vadzingiswa.
12又作受割礼之人的父,就是作那些不仅受割礼,并且照着我们祖宗亚伯拉罕未受割礼时就信的那脚踪而行之人的父。
13Nekuti hakusi kubudikidza nemurairo kwakava nechivimbiso kuna Abhurahamu kana kumbeu yake chekuva mugari wenhaka yenyika, asi kubudikidza nekururama kwerutendo.
13 神应许的他必能成就原来 神给亚伯拉罕和他后裔承受世界的应许,并不是因着律法,而是借着因信而来的义。
14Nekuti kana ivo vari vemurairo, vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinoshaiswa basa;
14如果属于律法的人才能成为后嗣,信就没有作用,应许也就落空了。
15nekuti murairo unouyisa kutsamwa; nekuti pasina murairo hapana kudarika.
15因为律法带来刑罚,没有律法,就没有违背律法的事。
16Naizvozvo ndezverutendo kuti zvive zvenyasha; kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yake yese; chisati chiri chemurairo chete, asi neicho cherutendo rwaAbhurahamuwo, unova baba vedu tose,
16所以,成为后嗣是因着信,为的是要按着 神的恩典,使给所有后裔的应许坚定不移,不但临到那属于律法的人,也临到那效法亚伯拉罕而信的人。亚伯拉罕在 神面前作我们众人的父,
17(sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unomutsa vakafa, nekudana zvisipo sekunge zviripo.
17如经上所记:“我已经立了你作万国的父。”他所信的,是叫死人得生命、使无变为有的 神。
18Iye pasina tariro wakatenda kutariro, kuti uchava baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, ndizvo zvichaita mbeu yako.
18在他没有盼望的时候,仍然怀着盼望去信,因此就成了万国的父,正如 神所说:“你的后裔将要这样众多。”
19Uye haana kushaiwa simba parutendo, akasarangarira muviri wake zvino wakange wafa, nekuti akange ava nemakore anenge zana, kana kufa kwechizvaro chaSara;
19他快到一百岁的时候,想到自己的身体好像已经死了,撒拉也不能生育,他的信心还是不软弱,
20Asi haana kukahadzika pachivimbiso chaMwari kubudikidza nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari,
20也没有因着不信而疑惑 神的应许,反倒坚信不移,把荣耀归给 神,
21achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita.
21满心相信 神所应许的, 神必能成就。
22Saka zvakaverengerwa kwaari kuti kururama.
22因此,这就算为他的义。
23Zvino zvakanga zvisina kunyorwa nekuda kwake oga, kuti zvakaverengerwa kwaari;
23“算为他的义”这一句话,不是单为他写的,
24asi nekuda kweduwo; tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kuvakafa,
24也是为我们这将来得算为义的人写的,就是为我们这信 神使我们的主耶稣从死人中复活的人写的。
25wakakumikidzwa kurufu nekuda kwemhosva dzedu, akamutswazve kuti tinzi takarurama.
25耶稣为我们的过犯被交去处死,为我们的称义而复活。