1Naizvozvo zvatinonzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu;
1因信称义后所得的恩典
2watakawanawo naye mapindiro nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri; tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.
2我们也凭着信,借着他可以进入现在所站的这恩典中,并且以盼望得享 神的荣耀为荣。
3Zvisati zviri izvo chete, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouyisa kutsungirira;
3不但这样,我们更以患难为荣;知道患难产生忍耐,
4kutsungirira kusimba; nekusimba tariro;
4忍耐产生毅力,毅力产生盼望;
5tariro hainyadzisi, nekuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene unopiwa kwatiri.
5盼望是不会令人蒙羞的,因为 神借着所赐给我们的圣灵,把他的爱浇灌在我们的心里。
6Nekuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
6当我们还软弱的时候,基督就照所定的日期,为不敬虔的人死了。
7Nekuti zvinorema kuti umwe afire munhu wakarurama; nekuti zvimwe kungava neumwe ungatsunga kufira wakanaka.
7为义人死,是少有的;为好人死,或有敢作的;
8Asi Mwari unosimbisa rudo rwake omene kwatiri, pakuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.
8唯有基督在我们还作罪人的时候为我们死, 神对我们的爱就在此显明了。
9Zvikuru zvino zvatinonzi hatina mhosva neropa rake, tichaponeswa kubudikidza naye pahasha.
9所以,我们现在既然因他的血称义,就更要借着他免受 神的忿怒。
10Nekuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya kana tichiyananiswa tichaponeswa neupenyu hwake;
10我们作仇敌的时候,尚且借着 神儿子的死与他复和,既然复和了,就更要因他的生得救了!
11zvisati zviri saizvozvo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.
11不但这样,我们现在已经借着我们的主耶稣基督与 神复和,也借着他以 神为荣。
12Naizvozvo chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi; naizvozvo rufu rwakapfuurira kumunhu wose, nekuti vose vakatadza;
12亚当与基督的比较正好像罪借着一个人入了世界,死又是从罪来的,所以死就临到全人类,因为人人都犯了罪。
13nekuti kusvika murairo wavapo chivi chakanga chiri panyika; nekuti chivi hachiverengerwi pasinomurairo.
13没有律法以前,罪已经在世界上了;不过,没有律法的时候,罪也不算罪。
14Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange nepamusoro pevasina kutadza sezvakaita mufananidzo wokudarika kwaAdhamu, unova iye mufananidzo wewakange achizouya.
14可是,从亚当到摩西,死就掌权了,甚至那些不像亚当那样犯罪的人,也在死的权下;亚当正是要来的那一位的预表。
15Asi hazvina kuita sekudarika, zvakaitawo chipo chekungopiwa pachena. Nekuti kana kubudikidza nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzemunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
15但恩赏和过犯是截然不同的;如果因着那一人的过犯,众人都死了, 神的恩典和这一人耶稣基督在恩典里的赏赐,对众人就更加丰盛了。
16Asi chipo hachina kuita seumwe unotadza; nekuti kutonga kwaiva neumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukururamiswa.
16这赏赐和那一人犯罪的后果也是不同的;因为审判是由一人而来,以致定罪,恩赏却由许多过犯而来,以致称义。
17Nekuti kana nekudarika kwemumwe rufu rwakatonga naiyeyu oga kunyanyisa, avo vanogamuchira kuwanda kwenyasha, nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu kubudikidza neumwe, Jesu Kristu.
17如果因着那一人的过犯,死就因那一人而掌权,那些蒙丰富的恩典并且得公义为赏赐的,就更要因这一位耶稣基督在生命中掌权了。
18Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nekudarika kweumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya pamusoro pevanhu vose, zvikapa kururamisirwa kuupenyu.
18这样看来,因一次的过犯,全人类都被定罪;照样,因一次的义行,全人类都被称义得生命了。
19Nekuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvo nekuteerera kwemumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
19因着那一人的悖逆,众人就被列为罪人;照样,因着这一人的顺服,众人也被列为义人了。
20Asi murairo wakapinda kuti kudarika kuwande; asi zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;
20律法的出现,是要叫过犯增多;然而罪在哪里增多,恩典就更加增多了。
21kuti kunyange chivi sezvachakatonga parufu, saizvozvo nyasha dzitongewo kubudikidza nekururama kusvika kuupenyu hwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.
21罪借着死掌权;照样,恩典也借着义掌权,使人借着我们的主耶稣基督进入永生。