1Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.
1佳偶寻找良人
2Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.
2我说:“我要起来,走遍全城,在街上,在广场上,寻找我心所爱的。”我寻找他,却找不到他。
3Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikamwa nomweya wangu here?
3城中的守卫巡逻的时候,找着我;我就问他们:“你们有没有看见我心所爱的?”
4Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikamwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
4我刚刚离开他们,就遇见我心所爱的;我把他拉住,不让他走,等到我带他到我母亲的家,进到怀我者的内室。
5Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
5耶路撒冷的众女子啊!我指着羚羊、田间的母鹿恳求你们,不要惊动他,不要挑起他的爱情,等它自发吧。
6Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuhwira nemura nezvinonhuhwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?
6所罗门的迎亲队伍那从旷野上来,好像烟柱;用商人贩卖的各种香粉、没药和乳香熏过的,是谁呢?
7Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.
7看哪!是所罗门的御轿,四周有六十个勇士,都是以色列中的勇士。
8Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.
8个个手拿武器,能征惯战;各人腿上配有利剑,以防夜间的袭击。
9Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni.
9所罗门王用黎巴嫩木,为自己做了一乘华轿。
10Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, chigaro chacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.
10他用银子做轿柱,用金子做轿底,用紫色料子做轿的座垫;内部所铺设的,是耶路撒冷众女子的爱情。
11Budai, imwi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.
11耶路撒冷的众女子啊!锡安的众女子啊!你们出来看看所罗门戴着的冠冕,就是在他结婚的日子,在他心里喜乐的时候,他母亲给他戴上的。