Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Song of Solomon

4

1Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
1良人称赞佳偶
2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
2你的牙齿像新剪毛的一群母羊,刚刚洗净那样洁白整齐;它们成双成对,没有单独一只的。
3Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
3你的嘴唇像一条朱红线,你的小嘴美丽;你的两颊在面纱后面,如同切开的石榴。
4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.
4你的颈项像大卫的城楼,建造得十分整齐、雅观;其上悬挂着一千个盾牌,都是勇士的武器。
5Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.
5你的两乳像双生的母羚羊,是在百合花中吃草的一对小鹿。
6Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuhwira.
6等到晚风徐来,日影消逝的时候,我要亲自到没药山,要往乳香冈去。
7Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.
7我的佳偶啊!你全然美丽,毫无瑕疵。
8Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhanoni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba,
8我的新妇啊!与我同去黎巴嫩山。与我前往黎巴嫩山。从亚玛拿山顶,从示尼珥和黑门山顶,从狮子洞,从豹子山俯望。
9Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
9我的妹妹,我的新妇啊!你夺去了我的心。你用你的眼神、用你项链上的一颗珍珠夺去了我的心。
10Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuhwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuhwira!
10我的妹妹,我的新妇啊!你的爱情多么美丽。你的爱情多么美好,比酒更美、更好。你膏油的香气胜过一切香料。
11Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuhwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuhwira kweRebhanoni.
11我的新妇啊!你的嘴唇滴蜜,好像蜂房滴蜜;你的舌下有蜜有奶;你衣服的香气好像黎巴嫩山的香气。
12Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.
12我的妹妹,我的新妇,是上了闩的园子,是上了锁的水井,是封闭了的泉源。
13Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,
13你所栽种的是一所石榴园,有极美的果子,有凤仙花和哪达树。
14Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuhwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuhwira.
14有哪达和番红花,菖蒲和肉桂,以及各种乳香树、没药和沉香,与各样精选的香料。
15Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.
15你是园中的泉源,是活水的井,是从黎巴嫩山流下来的溪水。
16Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuhwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.
16北风啊!兴起。南风啊!吹来。吹进我的园里,让其中的香气散播出来。愿我的良人进入他自己的园中,享用他佳美的果子。