Shona

King James Version

Genesis

2

1Zvino matenga nenyika zvikapera saizvo­zvo, nehondo yazvo yose.
1Thus the heavens and the earth were finished, and all the host of them.
2Mwari aka­pedza basa rake raakaita nezuva rechinomwe; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raakange aita.
2And on the seventh day God ended his work which he had made; and he rested on the seventh day from all his work which he had made.
3Zvino Mwari wakaropafadza zuva rechinomwe, akariita dzvene; nekuti wakazorora naro pabasa rake rose, Mwari raakange asika nekuita.
3And God blessed the seventh day, and sanctified it: because that in it he had rested from all his work which God created and made.
4Ndiyo nhoroondo yemazera ematenga nenyika, pakusikwa kwazvo; nezuva iro Jeho­vha Mwari raakaita nyika nematenga,
4These are the generations of the heavens and of the earth when they were created, in the day that the LORD God made the earth and the heavens,
5nemakwenzi esango akanga achigere ku­vapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wesango waka­nge uchigere kumera; nekuti Jehovha Mwari akange asati anaisa mvura pa­nyika, uye kwakange kusina munhu ku­zorima pasi.
5And every plant of the field before it was in the earth, and every herb of the field before it grew: for the LORD God had not caused it to rain upon the earth, and there was not a man to till the ground.
6Asi mhute yaisimuka ichi­bva panyika ichinyorovesa chiso chose chenyika.
6But there went up a mist from the earth, and watered the whole face of the ground.
7Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva revhu, akafemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.
7And the LORD God formed man of the dust of the ground, and breathed into his nostrils the breath of life; and man became a living soul.
8Zvino Jehovha Mwari wakasima munda muEdheni, kumabvazuva, ndokuisapo mu­nhu waakange aumba.
8And the LORD God planted a garden eastward in Eden; and there he put the man whom he had formed.
9Zvino Jehovha Mwari wakameresa pasi miti yose inofadza pakuona, uye yakanaka kudya; uye muti weupenyu pakati pemunda, nemuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa.
9And out of the ground made the LORD God to grow every tree that is pleasant to the sight, and good for food; the tree of life also in the midst of the garden, and the tree of knowledge of good and evil.
10Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kuzodiridza munda, uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa rwukava misoro mina.
10And a river went out of Eden to water the garden; and from thence it was parted, and became into four heads.
11Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;
11The name of the first is Pison: that is it which compasseth the whole land of Havilah, where there is gold;
12uye ndarama yenyika iyoyo yakanaka; pane dheriumu nebwe reonikisi.
12And the gold of that land is good: there is bdellium and the onyx stone.
13Zvino zita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.
13And the name of the second river is Gihon: the same is it that compasseth the whole land of Ethiopia.
14Zvino zita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabva­zuva kweAsiria. Uye rwizi rwechina ndiYu­furatesi.
14And the name of the third river is Hiddekel: that is it which goeth toward the east of Assyria. And the fourth river is Euphrates.
15Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti au­rime nekuuchengeta.
15And the LORD God took the man, and put him into the garden of Eden to dress it and to keep it.
16Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamiti yose yemunda ungadya uchidya,
16And the LORD God commanded the man, saying, Of every tree of the garden thou mayest freely eat:
17asi muti werizivo rwezvakanaka nezvakaipa usadya pauri; nekuti nemusi waunoudya, uchafa zvirokwa­zvo.
17But of the tree of the knowledge of good and evil, thou shalt not eat of it: for in the day that thou eatest thereof thou shalt surely die.
18Zvino Jehovha Mwari wakatizve, Ha­zvina kunaka kuti munhu ave oga; ndichamuitira mubatsiri wakafanana naye.
18And the LORD God said, It is not good that the man should be alone; I will make him an help meet for him.
19Zvino Jehovha Mwari wakaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti acha­dzitumidza kuti chii, uye chipenyu chose sechazvakatumidzwa nemunhu, ndiro rakava zita racho.
19And out of the ground the LORD God formed every beast of the field, and every fowl of the air; and brought them unto Adam to see what he would call them: and whatsoever Adam called every living creature, that was the name thereof.
20Zvino munhu wakapa mazita kuzvipfuwo zvose nekushiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kumunhu kwakashaikwa mubatsiri wakamukwanira.
20And Adam gave names to all cattle, and to the fowl of the air, and to every beast of the field; but for Adam there was not found an help meet for him.
21Zvino Jehovha Mwari wakakonzera hope huru kuwira pamusoro pemunhu, ndokuvata; zvino wakatora rumwe rwemabvu dzake, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.
21And the LORD God caused a deep sleep to fall upon Adam, and he slept: and he took one of his ribs, and closed up the flesh instead thereof;
22Zvino nerumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi, akamuisa kumu­nhu.
22And the rib, which the LORD God had taken from man, made he a woman, and brought her unto the man.
23Munhu akati: Ikozvino uyu ipfupa remafupa angu, nenyama yenyama ya­ngu, uchanzi mukadzi, nekuti wa­kabviswa pamurume.
23And Adam said, This is now bone of my bones, and flesh of my flesh: she shall be called Woman, because she was taken out of Man.
24Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
24Therefore shall a man leave his father and his mother, and shall cleave unto his wife: and they shall be one flesh.
25Zvino vose vari vaviri vakange vasina kupfeka, munhu nemukadzi wake, asi ha­vana kunyara.
25And they were both naked, the man and his wife, and were not ashamed.