Shona

Young`s Literal Translation

2 Thessalonians

1

1Pauro naSirivhano naTimotio; kukereke yevaTesaronika muna Mwari baba vedu, naIshe Jesu Kristu:
1Paul, and Silvanus, and Timotheus, to the assembly of Thessalonians in God our Father, and the Lord Jesus Christ:
2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
2Grace to you, and peace, from God our Father, and the Lord Jesus Christ!
3Tinosungirwa kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nekuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu kune umwe neumwe rwunowanda;
3We ought to give thanks to God always for you, brethren, as it is meet, because increase greatly doth your faith, and abound doth the love of each one of you all, to one another;
4nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mukereke dzaMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu, nerutendo mukushushwa kwenyu kose nematambudziko amunotsunga maari.
4so that we ourselves do glory in you in the assemblies of God, for your endurance and faith in all your persecutions and tribulations that ye bear;
5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanirwa neushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;
5a token of the righteous judgment of God, for your being counted worthy of the reign of God, for which also ye suffer,
6sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,
6since [it is] a righteous thing with God to give back to those troubling you — trouble,
7uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu, achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,
7and to you who are troubled — rest with us in the revelation of the Lord Jesus from heaven, with messengers of his power,
8mumurazvo wemoto achitsiva avo vasingazivi Mwari, nevasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;
8in flaming fire, giving vengeance to those not knowing God, and to those not obeying the good news of our Lord Jesus Christ;
9ivo vacharangwa nekuparadzwa kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,
9who shall suffer justice — destruction age-during — from the face of the Lord, and from the glory of his strength,
10kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vose vanotenda; (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.
10when He may come to be glorified in his saints, and to be wondered at in all those believing — because our testimony was believed among you — in that day;
11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu akuverengei semakafanirwa nekudamwa uye azadzise kuda kose kwakanaka kweunaku hwake nebasa rerutendo nesimba;
11for which also we do pray always for you, that our God may count you worthy of the calling, and may fulfil all the good pleasure of goodness, and the work of the faith in power,
12kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.
12that the name of our Lord Jesus Christ may be glorified in you, and ye in him, according to the grace of our God and Lord Jesus Christ.