Shona

Young`s Literal Translation

John

6

1Shure kwezvinhu izvi Jesu wakasimuka akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
1After these things Jesus went away beyond the sea of Galilee (of Tiberias),
2Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nekuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
2and there was following him a great multitude, because they were seeing his signs that he was doing on the ailing;
3Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
3and Jesus went up to the mount, and he was there sitting with his disciples,
4Zvino pasika, mutambo wevaJudha, wakange waswedera.
4and the passover was nigh, the feast of the Jews.
5Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
5Jesus then having lifted up [his] eyes and having seen that a great multitude doth come to him, saith unto Philip, `Whence shall we buy loaves, that these may eat?` —
6Wakareva izvozvo achimuidza, nekuti iye waiziva zvaaizoita.
6and this he said, trying him, for he himself had known what he was about to do.
7Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenari* mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chiduku.
7Philip answered him, `Two hundred denaries` worth of loaves are not sufficient to them, that each of them may receive some little;`
8Umwe wevadzidzi vake, Andiriyasi munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:
8one of his disciples — Andrew, the brother of Simon Peter — saith to him,
9Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari* nehove duku mbiri; asi zvinyi kuvazhinji vakadai?
9`There is one little lad here who hath five barley loaves, and two fishes, but these — what are they to so many?`
10Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
10And Jesus said, `Make the men to sit down;` and there was much grass in the place, the men then sat down, in number, as it were, five thousand,
11Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
11and Jesus took the loaves, and having given thanks he distributed to the disciples, and the disciples to those reclining, in like manner, also of the little fishes as much as they wished.
12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurashika chinhu.
12And when they were filled, he saith to his disciples, `Gather together the broken pieces that are over, that nothing may be lost;`
13Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
13they gathered together, therefore, and filled twelve hand-baskets with broken pieces, from the five barley loaves that were over to those having eaten.
14Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita uchauya panyika.
14The men, then, having seen the sign that Jesus did, said — `This is truly the Prophet, who is coming to the world;`
15Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaenda mugomo ari oga.
15Jesus, therefore, having known that they are about to come, and to take him by force that they may make him king, retired again to the mountain himself alone.
16Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
16And when evening came, his disciples went down to the sea,
17zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya Kapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.
17and having entered into the boat, they were going over the sea to Capernaum, and darkness had already come, and Jesus had not come unto them,
18Gungwa ndokumuka nekuti mhepo huru yaivhuvhuta.
18the sea also — a great wind blowing — was being raised,
19Zvino vakati vakwasva masitadhiya* anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
19having pushed onwards, therefore, about twenty-five or thirty furlongs, they behold Jesus walking on the sea, and coming nigh to the boat, and they were afraid;
20Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.
20and he saith to them, `I am [he], be not afraid;`
21Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.
21they were willing then to receive him into the boat, and immediately the boat came unto the land to which they were going.
22Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda voga,
22On the morrow, the multitude that was standing on the other side of the sea, having seen that there was no other little boat there except one — that into which his disciples entered — and that Jesus went not in with his disciples into the little boat, but his disciples went away alone,
23(asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, mushure mokunge Ishe avonga)
23(and other little boats came from Tiberias, nigh the place where they did eat the bread, the Lord having given thanks),
24naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
24when therefore the multitude saw that Jesus is not there, nor his disciples, they also themselves did enter into the boats, and came to Capernaum seeking Jesus;
25Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi*, masvika pano rinhi?
25and having found him on the other side of the sea, they said to him, `Rabbi, when hast thou come hither?`
26Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya zvezvingwa mukaguta.
26Jesus answered them and said, `Verily, verily, I say to you, Ye seek me, not because ye saw signs, but because ye did eat of the loaves, and were satisfied;
27Musashandira chikafu chinoparara, asi chikafu chinogara kusvika kuupenyu hwusingaperi, Mwanakomana wemunhu chaachakupai; nekuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo.
27work not for the food that is perishing, but for the food that is remaining to life age-during, which the Son of Man will give to you, for him did the Father seal — [even] God.`
28Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
28They said therefore unto him, `What may we do that we may work the works of God?`
29Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
29Jesus answered and said to them, `This is the work of God, that ye may believe in him whom He did send.`
30Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? munoshandei?
30They said therefore to him, `What sign, then, dost thou, that we may see and may believe thee? what dost thou work?
31Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
31our fathers the manna did eat in the wilderness, according as it is having been written, Bread out of the heaven He gave them to eat.`
32Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
32Jesus, therefore, said to them, `Verily, verily, I say to you, Moses did not give you the bread out of the heaven; but my Father doth give you the true bread out of the heaven;
33Nekuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
33for the bread of God is that which is coming down out of the heaven, and giving life to the world.`
34Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzose.
34They said, therefore, unto him, `Sir, always give us this bread.`
35Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo unouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neunotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
35And Jesus said to them, `I am the bread of the life; he who is coming unto me may not hunger, and he who is believing in me may not thirst — at any time;
36Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
36but I said to you, that ye also have seen me, and ye believe not;
37Vose Baba vavanondipa vachauya kwandiri; neunouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
37all that the Father doth give to me will come unto me; and him who is coming unto me, I may in no wise cast without,
38Nekuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
38because I have come down out of the heaven, not that I may do my will, but the will of Him who sent me.
39Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chose chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
39`And this is the will of the Father who sent me, that all that He hath given to me I may not lose of it, but may raise it up in the last day;
40Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wose unoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
40and this is the will of Him who sent me, that every one who is beholding the Son, and is believing in him, may have life age-during, and I will raise him up in the last day.`
41Zvino vaJudha vakagunin'ina pamusoro pake, nekuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
41The Jews, therefore, were murmuring at him, because he said, `I am the bread that came down out of the heaven;`
42Ndokuti: Uyu haasi iye Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye unogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga.
42and they said, `Is not this Jesus, the son of Joseph, whose father and mother we have known? how then saith this one — Out of the heaven I have come down?`
43Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunin'ina pakati penyu.
43Jesus answered, therefore, and said to them, `Murmur not one with another;
44Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
44no one is able to come unto me, if the Father who sent me may not draw him, and I will raise him up in the last day;
45Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vose naMwari. Wose naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, unouya kwandiri.
45it is having been written in the prophets, And they shall be all taught of God; every one therefore who heard from the Father, and learned, cometh to me;
46Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyo unobva kuna Mwari, ndiye wakaona Baba.
46not that any one hath seen the Father, except he who is from God, he hath seen the Father.
47Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, une upenyu hwusingaperi.
47`Verily, verily, I say to you, He who is believing in me, hath life age-during;
48Ini ndiri chingwa cheupenyu.
48I am the bread of the life;
49Madzibaba enyu akadya mana* murenje, asi akafa.
49your fathers did eat the manna in the wilderness, and they died;
50Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
50this is the bread that out of the heaven is coming down, that any one may eat of it, and not die.
51Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, uchararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika.
51`I am the living bread that came down out of the heaven; if any one may eat of this bread he shall live — to the age; and the bread also that I will give is my flesh, that I will give for the life of the world.`
52Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu unogona kutipa sei nyama yake tidye?
52The Jews, therefore, were striving with one another, saying, `How is this one able to give us [his] flesh to eat?`
53Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekumwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
53Jesus, therefore, said to them, `Verily, verily, I say to you, If ye may not eat the flesh of the Son of Man, and may not drink his blood, ye have no life in yourselves;
54Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, une upenyu hwusingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
54he who is eating my flesh, and is drinking my blood, hath life age-during, and I will raise him up in the last day;
55Nekuti nyama yangu chikafu zvirokwazvo, neropa rangu chimwiwa zvirokwazvo.
55for my flesh truly is food, and my blood truly is drink;
56Unodya nyama yangu nekumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.
56he who is eating my flesh, and is drinking my blood, doth remain in me, and I in him.
57Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo unondidya, naiye uchararama neni.
57`According as the living Father sent me, and I live because of the Father, he also who is eating me, even that one shall live because of me;
58Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi, uchararama nekusingaperi.
58this is the bread that came down out of the heaven; not as your fathers did eat the manna, and died; he who is eating this bread shall live — to the age.`
59Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
59These things he said in a synagogue, teaching in Capernaum;
60Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani unogona kurinzwa?
60many, therefore, of his disciples having heard, said, `This word is hard; who is able to hear it?`
61Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunin'ina neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
61And Jesus having known in himself that his disciples are murmuring about this, said to them, `Doth this stumble you?
62Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
62if then ye may behold the Son of Man going up where he was before?
63Mweya ndiye unoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
63the spirit it is that is giving life; the flesh doth not profit anything; the sayings that I speak to you are spirit, and they are life;
64Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nekuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivanaani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
64but there are certain of you who do not believe;` for Jesus had known from the beginning who they are who are not believing, and who is he who will deliver him up,
65Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu unogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba.
65and he said, `Because of this I have said to you — No one is able to come unto me, if it may not have been given him from my Father.`
66Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
66From this [time] many of his disciples went away backward, and were no more walking with him,
67Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
67Jesus, therefore, said to the twelve, `Do ye also wish to go away?`
68Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Mashoko eupenyu hwusingaperi ari kwamuri,
68Simon Peter, therefore, answered him, `Sir, unto whom shall we go? thou hast sayings of life age-during;
69uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
69and we have believed, and we have known, that thou art the Christ, the Son of the living God.`
70Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi.
70Jesus answered them, `Did not I choose you — the twelve? and of you — one is a devil.
71Waireva Judhasi Isikarioti waSimoni; nekuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.
71And he spake of Judas, Simon`s [son], Iscariot, for he was about to deliver him up, being one of the twelve.