1Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake zvachichipo kurege kuva neumwe wenyu uchawanikwa achitaira pakupindamo.
1فلنخف انه مع بقاء وعد بالدخول الى راحته يرى احد منكم انه قد خاب منه.
2Nekuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko rokunzwikwa harina kuvabatsira, nokuti harina kuvhenganiswa nerutendo kuna ivo vakanzwa.
2لاننا نحن ايضا قد بشرنا كما اولئك لكن لم تنفع كلمة الخبر اولئك اذ لم تكن ممتزجة بالايمان في الذين سمعوا.
3Nekuti isu vakatenda tinopinda pazororo sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati: Havangapindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
3لاننا نحن المؤمنين ندخل الراحة كما قال حتى اقسمت في غضبي لن يدخلوا راحتي. مع كون الاعمال قد أكملت منذ تأسيس العالم.
4Nekuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwari akazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;
4لانه قال في موضع عن السابع هكذا واستراح الله في اليوم السابع من جميع اعماله.
5nepanozve: Havangapindi muzororo rangu.
5وفي هذا ايضا لن يدخلوا راحتي.
6Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
6فاذ بقي ان قوما يدخلونها والذين بشّروا اولا لم يدخلوا لسبب العصيان
7unogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi achitaura nemuromo waDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake musawomesa moyo yenyu.
7يعيّن ايضا يوما قائلا في داود اليوم بعد زمان هذا مقداره كما قيل اليوم ان سمعتم صوته فلا تقسّوا قلوبكم.
8Nekuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva pashure pamusoro perimwe zuva.
8لانه لو كان يشوع قد اراحهم لما تكلم بعد ذلك عن يوم آخر.
9Zvino zvasarira vanhu vaMwari kuzorora kwesabata.
9اذا بقيت راحة لشعب الله.
10Nekuti uyo wakapinda muzororo rake wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pane ake.
10لان الذي دخل راحته استراح هو ايضا من اعماله كما الله من اعماله.
11Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo iroro, kuti zvimwe kusava neunozowa achitevera muenzaniso iwoyo wekusateerera.
11فلنجتهد ان ندخل تلك الراحة لئلا يسقط احد في عبرة العصيان هذه عينها.
12Nekuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba nekupinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nemafundo nemongo; nerinonzwisisa ndangariro nezvinangwa zvemoyo.
12لان كلمة الله حية وفعالة وامضى من كل سيف ذي حدين وخارقة الى مفرق النفس والروح والمفاصل والمخاخ ومميزة افكار القلب ونياته.
13Hakuna chinhu chakasikwa chisingaratidziki pachiso chake; asi zvinhu zvose zvakafukurwa nekuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
13وليس خليقة غير ظاهرة قدامه بل كل شيء عريان ومكشوف لعيني ذلك الذي معه امرنا
14Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, iye Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kutenda kwedu.
14فاذ لنا رئيس كهنة عظيم قد اجتاز السموات يسوع ابن الله فلنتمسك بالاقرار.
15Nekuti hatina mupristi mukuru usingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu asina chivi.
15لان ليس لنا رئيس كهنة غير قادر ان يرثي لضعفاتنا بل مجرب في كل شيء مثلنا بلا خطية
16Naizvozvo ngatiswederei takashinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha dzekubatsira panguva yakafanira.
16فلنتقدم بثقة الى عرش النعمة لكي ننال رحمة ونجد نعمة عونا في حينه