1Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha, nekuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nekuda kwangu.
1مزمور اغنية تدشين البيت. لداود. اعظمك يا رب لانك نشلتني ولم تشمت بي اعدائي.
2Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imwi mukandiponesa.
2يا رب الهي استغثت بك فشفيتني.
3Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.
3يا رب اصعدت من الهاوية نفسي احييتني من بين الهابطين في الجب.
4Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imwi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.
4رنموا للرب يا اتقياءه واحمدوا ذكر قدسه.
5nekuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi tsitsi dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
5لان للحظة غضبه. حياة في رضاه. عند المساء يبيت البكاء وفي الصباح ترنم
6Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.
6وانا قلت في طمأنينتي لا اتزعزع الى الابد.
7Imwi Jehovha, netsitsi dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.
7يا رب برضاك ثبت لجبلي عزّا. حجبت وجهك فصرت مرتاعا.
8Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;
8اليك يا رب اصرخ والى السيد اتضرع.
9Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira chokwadi chenyu here?
9ما الفائدة من دمي اذا نزلت الى الحفرة. هل يحمدك التراب. هل يخبر بحقك.
10Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.
10استمع يا رب وارحمني يا رب كن معينا لي.
11Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;
11حولت نوحي الى رقص لي. حللت مسحي ومنطقتني فرحا
12Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
12لكي تترنم لك روحي ولا تسكت. يا رب الهي الى الابد احمدك