Shona

American Standard Version

2 Corinthians

7

1Zvino zvatine zvivimbiso izvi vadikamwa, ngatizvinatse patsvina dzose dzenyama nemweya, tikwanise utsvene mukutya Mwari.
1Having therefore these promises, beloved, let us cleanse ourselves from all defilement of flesh and spirit, perfecting holiness in the fear of God.
2Tigamuchirei; hatina kutadzira munhu, hatina kutadzisa munhu, hatina kubiridzira munhu.
2Open your hearts to us: we wronged no man, we corrupted no man, we took advantage of no man.
3Handitauriri kupa mhosva; nekuti ndamboreva kuti imwi muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe.
3I say it not to condemn [you]: for I have said before, that ye are in our hearts to die together and live together.
4Ushingi hwekutaura kwangu kwamuri hwukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndinofara zvikurusa pamatambudziko edu ose.
4Great is my boldness of speech toward you, great is my glorying on your behalf: I am filled with comfort, I overflow with joy in all our affliction.
5Nekuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takatambudzwa pamativi ose; kunze kukakavara, mukati kutya.
5For even when we were come into Macedonia our flesh had no relief, but [we were] afflicted on every side; without [were] fightings, within [were] fears.
6Asi Mwari, unonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito;
6Nevertheless he that comforteth the lowly, [even] God, comforted us by the coming of Titus;
7uye kwete nekusvika kwake chete, asiwo nekunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, paakatiudza zvechishuwo chenyu chemoyo wose, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara.
7and not by his coming only, but also by the comfort wherewith he was comforted in you, while he told us your longing, your mourning, your zeal for me; so that I rejoiced yet more.
8Nekuti kunyange ndakakushungurudzai netsamba, handizvidyi moyo; kunyange ndichizvidya moyo; nekuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakushungurudzai, asi yakanga iri nguva duku.
8For though I made you sorry with my epistle, I do not regret it: though I did regret [it] (for I see that that epistle made you sorry, though but for a season),
9Zvino ndinofara, kwete nekuti makashungurudzwa, asi kuti makashungurudzika mukatendeuka; nekuti makashungurudzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nekuda kwedu.
9I now rejoice, not that ye were made sorry, but that ye were made sorry unto repentance; for ye were made sorry after a godly sort, that ye might suffer loss by us in nothing.
10Nekuti kuchema kweuMwari kunouyisa kutendeukira kuruponeso, kwete kuzvidya moyo nako; asi kushungurudzika kwenyika kunouyisa rufu.
10For godly sorrow worketh repentance unto salvation, [a repentance] which bringeth no regret: but the sorrow of the world worketh death.
11Nekuti tarirai chinhu chimwe ichocho chekuti makashungurudzika nenzira yeuMwari, chakauyisa mukati menyu kunanzerera kwakadini, hongu nekuzvichenura, hongu kutsamwa, hongu kutya, hongu chishuvo chakasimba, hongu kurwadza moyo, hongu kutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
11For behold, this selfsame thing, that ye were made sorry after a godly sort, what earnest care it wrought in you, yea what clearing of yourselves, yea what indignation, yea what fear, yea what longing, yea what zeal, yea what avenging! In everything ye approved yourselves to be pure in the matter.
12Naizvozvo kunyange ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwaiye wakaita zvisakarurama, kana nekuda kwaiye wakaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwedu nekuda kwenyu kuonekwe nemwi pamberi paMwari.
12So although I wrote unto you, I [wrote] not for his cause that did the wrong, nor for his cause that suffered the wrong, but that your earnest care for us might be made manifest unto you in the sight of God.
13Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu asi takafara zvikuru kwazvo pamusoro pemufaro waTito, nekuti mweya wake wakavandudzwa nemwi mose.
13Therefore we have been comforted: And in our comfort we joyed the more exceedingly for the joy of Titus, because his spirit hath been refreshed by you all.
14Nekuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvose kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakavonekwa kuri chokwadi.
14For if in anything I have gloried to him on your behalf, I was not put to shame; but as we spake all things to you in truth, so our glorying also which I made before Titus was found to be truth.
15Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, kuti makamugachira sei nekutya nekudedera.
15And his affection is more abundantly toward you, while he remembereth the obedience of you all, how with fear and trembling ye received him.
16Ndinofara naizvozvo kuti pazvose ndine chivimbo nemwi.
16I rejoice that in everything I am of good courage concerning you.