1Ndakati mumoyo mangu, uya zvino, ndichakuidza nomufaro; chifarira zvinhu zvakanaka! Asi tarira, naizvozvowo zvakanga zvisina maturo.
1I said in my heart, Come now, I will prove thee with mirth; therefore enjoy pleasure: and, behold, this also was vanity.
2Kana kuri kuseka, ndakati, Upengo! Kana uri mufaro, ndakati, Unobatsireiko?
2I said of laughter, It is mad; and of mirth, What doeth it?
3Ndakanzvera moyo wangu, ndione kuti ndingafadza nyama yangu sei newaini, moyo wangu uchindifambisa hawo nouchenjeri, uye kuti ndingaramba ndakabata upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi zvingaitwa navanakomana vavanhu pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.
3I searched in my heart how to cheer my flesh with wine, my heart yet guiding [me] with wisdom, and how to lay hold on folly, till I might see what it was good for the sons of men that they should do under heaven all the days of their life.
4Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa;
4I made me great works; I builded me houses; I planted me vineyards;
5ndakazviitira minda neminda yemiti, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose;
5I made me gardens and parks, and I planted trees in them of all kinds of fruit;
6ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matondo pakanga pasimwa miti;
6I made me pools of water, to water therefrom the forest where trees were reared;
7ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine fuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu;
7I bought men-servants and maid-servants, and had servants born in my house; also I had great possessions of herds and flocks, above all that were before me in Jerusalem;
8ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika dzose; ndakazvitsvakira vaimbi varume navakadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, navarongo vemarudzi ose.
8I gathered me also silver and gold, and the treasure of kings and of the provinces; I gat me men-singers and women-singers, and the delights of the sons of men, musical instruments, and that of all sorts.
9Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni.
9So I was great, and increased more than all that were before me in Jerusalem: also my wisdom remained with me.
10Zvose zvakadikamwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nekuti moyo wangu wakange uchifara nokubata kwangu kose; ndiwo wakange uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kose.
10And whatsoever mine eyes desired I kept not from them; I withheld not my heart from any joy; for my heart rejoiced because of all my labor; and this was my portion from all my labor.
11Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo chete, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva.
11Then I looked on all the works that my hands had wrought, and on the labor that I had labored to do; and, behold, all was vanity and a striving after wind, and there was no profit under the sun.
12Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nekuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? Izvozvo zvakanguva zvaitwa.
12And I turned myself to behold wisdom, and madness, and folly: for what [can] the man [do] that cometh after the king? [even] that which hath been done long ago.
13Ipapo ndakaona kuti, Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima.
13Then I saw that wisdom excelleth folly, as far as light excelleth darkness.
14Meso omunhu akachenjera ari mumusoro wake, asi benzi rinofamba murima; kunyange zvakadaro ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete.
14The wise man's eyes are in his head, and the fool walketh in darkness: and yet I perceived that one event happeneth to them all.
15Ipapo ndakati mumoyo mangu, Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; ko ini ndaiva wakachenjera nei ! Ndikati mumoyo mangu, izvi zvose hazvina maturowo.
15Then said I in my heart, As it happeneth to the fool, so will it happen even to me; and why was I then more wise? Then said I in my heart, that this also is vanity.
16nekuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nekuti zvinozokanganikwa zvose pamazuva anouya. Akachenjera haazinofa sebenzi here?
16For of the wise man, even as of the fool, there is no remembrance for ever; seeing that in the days to come all will have been long forgotten. And how doth the wise man die even as the fool!
17Saka ndakavenga upenyu, nekuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nekuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete.
17So I hated life, because the work that is wrought under the sun was grievous unto me; for all is vanity and a striving after wind.
18Zvino ndakavenga kubata kwangu kose kwandatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiira munhu anonditevera.
18And I hated all my labor wherein I labored under the sun, seeing that I must leave it unto the man that shall be after me.
19Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pedenga. Naizvozvowo hazvina maturo.
19And who knoweth whether he will be a wise man or a fool? yet will he have rule over all my labor wherein I have labored, and wherein I have showed myself wise under the sun. This also is vanity.
20Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu moyo wangu pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata pasi pezuva.
20Therefore I turned about to cause my heart to despair concerning all the labor wherein I had labored under the sun.
21nekuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa kwazvo.
21For there is a man whose labor is with wisdom, and with knowledge, and with skilfulness; yet to a man that hath not labored therein shall he leave it for his portion. This also is vanity and a great evil.
22nekuti munhu anowanei pamusoro pokubata kwake kose, nokushingaira komoyo wake, kwaanobata nako pasi pezuva?
22For what hath a man of all his labor, and of the striving of his heart, wherein he laboreth under the sun?
23nekuti mazuva ake ose inhamo chete, nokutambudzika kwake kuchema; zvirokwazvo kunyange usiku moyo wake hauzorori. Naizvozvowo hazvina maturo.
23For all his days are [but] sorrows, and his travail is grief; yea, even in the night his heart taketh no rest. This also is vanity.
24Hakune chinhu chinopfuura ichi,kuti munhu adye amwe afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari.
24There is nothing better for a man [than] that he should eat and drink, and make his soul enjoy good in his labor. This also I saw, that it is from the hand of God.
25nekuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kudarika ini?
25For who can eat, or who can have enjoyment, more than I?
26nekuti munhu, anomufadza, anopiwa huchenjeri, nezivo, nomufaro; asi mutadzi anopiwa kutambudzika, kuti aunganidze nokututira, agozvipa mumwe anofadza Mwari. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo.
26For to the man that pleaseth him [God] giveth wisdom, and knowledge, and joy; but to the sinner he giveth travail, to gather and to heap up, that he may give to him that pleaseth God. This also is vanity and a striving after wind.