Shona

American Standard Version

Luke

1

1Sezvo vazhinji vakaedza kuronga rondedzero yezvinhu zvakatendeka zvizere pakati pedu,
1Forasmuch as many have taken in hand to draw up a narrative concerning those matters which have been fulfilled among us,
2sezvavakapa kwatiri ivo avo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
2even as they delivered them unto us, who from the beginning were eyewitnesses and ministers of the word,
3zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro makakurumbira,
3it seemed good to me also, having traced the course of all things accurately from the first, to write unto thee in order, most excellent Theophilus;
4kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
4that thou mightest know the certainty concerning the things wherein thou wast instructed.
5Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
5There was in the days of Herod, king of Judaea, a certain priest named Zacharias, of the course of Abijah: and he had a wife of the daughters of Aaron, and her name was Elisabeth.
6Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo wose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
6And they were both righteous before God, walking in all the commandments and ordinances of the Lord blameless.
7Uye vakange vasina mwana, nekuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
7And they had no child, because that Elisabeth was barren, and they both were [now] well stricken in years.
8Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
8Now it came to pass, while he executed the priest's office before God in the order of his course,
9maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira apinda mutembere yaIshe.
9according to the custom of the priest's office, his lot was to enter into the temple of the Lord and burn incense.
10Zvino chaunga chose chavanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
10And the whole multitude of the people were praying without at the hour of incense.
11Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira.
11And there appeared unto him an angel of the Lord standing on the right side of altar of incense.
12Zvino Zakaria wakati achimuona akavhiringidzika, kutya kukamuwira.
12And Zacharias was troubled when he saw [him], and fear fell upon him.
13Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nekuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
13But the angel said unto him, Fear not, Zacharias: because thy supplication is heard, and thy wife Elisabeth shall bear thee a son, and thou shalt call his name John.
14Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
14And thou shalt have joy and gladness; and many shall rejoice at his birth.
15Nekuti uchava mukuru pamberi paIshe, haangatongomwi waini kana zvinodhaka; uye uchazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
15For he shall be great in the sight of the Lord, and he shall drink no wine nor strong drink; and he shall be filled with the Holy Spirit, even from his mother's womb.
16Nevazhinji vevana vaIsraeri uchatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
16And many of the children of Israel shall be turn unto the Lord their God.
17uye iye uchafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
17And he shall go before his face in the spirit and power of Elijah, to turn the hearts of the fathers to the children, and the disobedient [to walk] in the wisdom of the just; to make ready for the Lord a people prepared [for him].
18Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nekuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
18And Zacharias said unto the angel, Whereby shall I know this? for I am an old man, and my wife well stricken in years.
19Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, unomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
19And the angel answering said unto him, I am Gabriel, that stand in the presence of God; and I was sent to speak unto thee, and to bring thee these good tidings.
20Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nekuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
20And behold, thou shalt be silent and not able to speak, until the day that these things shall come to pass, because thou believedst not my words, which shall be fulfilled in their season.
21Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
21And the people were waiting for Zacharias, and they marvelled while he tarried in the temple.
22Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti wakange aona dzengerere mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumu.
22And when he came out, he could not speak unto them: and they perceived that he had seen a vision in the temple: and he continued making signs unto them, and remained dumb.
23Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
23And it came to pass, when the days of his ministration were fulfilled, he departed unto his house.
24Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
24And after these days Elisabeth his wife conceived; and she hid herself five months, saying,
25IShe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
25Thus hath the Lord done unto me in the days wherein he looked upon [me], to take away my reproach among men.
26Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
26Now in the sixth month the angel Gabriel was sent from God unto a city of Galilee, named Nazareth,
27kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara riri Maria.
27to a virgin betrothed to a man whose name was Joseph, of the house of David; and the virgin's name was Mary.
28Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe unewe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi.
28And he came in unto her, and said, Hail, thou that art highly favored, the Lord [is] with thee.
29Iye wakati achimuona akavhiringidzwa neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
29But she was greatly troubled at the saying, and cast in her mind what manner of salutation this might be.
30Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nekuti wawana nyasha kuna Mwari.
30And the angel said unto her, Fear not, Mary: for thou hast found favor with God.
31Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
31And behold, thou shalt conceive in thy womb, and bring forth a son, and shalt call his name JESUS.
32Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari uchapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
32He shall be great, and shall be called the Son of the Most High: and the Lord God shall give unto him the throne of his father David:
33Uchatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahwungavi nemugumo.
33and he shall reign over the house of Jacob for ever; and of his kingdom there shall be no end.
34Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nekuti handizivi murume?
34And Mary said unto the angel, How shall this be, seeing I know not a man?
35Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWokumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
35And the angel answered and said unto her, The Holy Spirit shall come upon thee, and the power of the Most High shall overshadow thee: wherefore also the holy thing which is begotten shall be called the Son of God.
36Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
36And behold, Elisabeth thy kinswoman, she also hath conceived a son in her old age; and this is the sixth month with her that was called barren.
37Nekuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
37For no word from God shall be void of power.
38Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
38And Mary said, Behold, the handmaid of the Lord; be it unto me according to thy word. And the angel departed from her.
39Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yazvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
39And Mary arose in these days and went into the hill country with haste, into a city of Judah;
40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
40and entered into the house of Zacharias and saluted Elisabeth.
41Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
41And it came to pass, when Elisabeth heard the salutation of Mary, the babe leaped in her womb; and Elisabeth was filled with the Holy Spirit;
42akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
42and she lifted up her voice with a loud cry, and said, Blessed [art] thou among women, and blessed [is] the fruit of thy womb.
43Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kandiri?
43And whence is this to me, that the mother of my Lord should come unto me?
44Nekuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
44For behold, when the voice of thy salutation came into mine ears, the babe leaped in my womb for joy.
45Uye wakaropafadzwa unotenda, nekuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
45And blessed [is] she that believed; for there shall be a fulfilment of the things which have been spoken to her from the Lord.
46Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
46And Mary said, My soul doth magnify the Lord,
47nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
47And my spirit hath rejoiced in God my Saviour.
48nekuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nekuti tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa.
48For he hath looked upon the low estate of his handmaid: For behold, from henceforth all generations shall call me blessed.
49Nekuti une masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
49For he that is mighty hath done to me great things; And holy is his name.
50Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera nemazera.
50And his mercy is unto generations and generations On them that fear him.
51Wakaita zvinesimba noruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
51He hath showed strength with his arm; He hath scattered the proud in the imagination of their heart.
52Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
52He hath put down princes from [their] thrones, And hath exalted them of low degree.
53Vanenzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
53The hungry he hath filled with good things; And the rich he hath sent empty away.
54Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
54He hath given help to Israel his servant, That he might remember mercy
55sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahamu nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi.
55(As he spake unto our fathers) Toward Abraham and his seed for ever.
56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
56And Mary abode with her about three months, and returned unto her house.
57Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
57Now Elisabeth's time was fulfilled that she should be delivered; and she brought forth a son.
58Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
58And her neighbors and her kinsfolk heard that the Lord had magnified his mercy towards her; and they rejoiced with her.
59Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
59And it came to pass on the eighth day, that they came to circumcise the child; and they would have called him Zacharias, after the name of the father.
60Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi uchanzi Johwani.
60And his mother answered and said, Not so; but he shall be called John.
61Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzenyu unodaidzwa nezita iro.
61And they said unto her, There is none of thy kindred that is called by this name.
62Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
62And they made signs to his father, what he would have him called.
63Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vose.
63And he asked for a writing tablet, and wrote, saying, His name is John. And they marvelled all.
64Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
64And his mouth was opened immediately, and his tongue [loosed], and he spake, blessing God.
65Kutya kukawira vose vaigara vakavakomba; nemashoko iwayo ose akanzwikwa kunyika yose yezvikomo yeJudhiya.
65And fear came on all that dwelt round about them: and all these sayings were noised abroad throughout all the hill country of Judaea.
66Zvino vose vakanzwa, vakazviisa mumoyo yavo, vachiti: Mucheche uyu uchazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
66And all that heard them laid them up in their heart, saying, What then shall this child be? For the hand of the Lord was with him.
67Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
67And his father Zacharias was filled with the Holy Spirit, and prophesied, saying,
68Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nekuti wakashanyira kuvanhu vake nekuvadzikunura;
68Blessed [be] the Lord, the God of Israel; For he hath visited and wrought redemption for his people,
69akatisimudzira runyanga rworuponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
69And hath raised up a horn of salvation for us In the house of his servant David
70sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare;
70(As he spake by the mouth of his holy prophets that have been from of old),
71ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavose vanotivenga;
71Salvation from our enemies, and from the hand of all that hate us;
72kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
72To show mercy towards, our fathers, And to remember his holy covenant;
73mhiko yaakapika kuna Abhurahamu baba vedu;
73The oath which he spake unto Abraham our father,
74kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
74To grant unto us that we being delivered out of the hand of our enemies Should serve him without fear,
75muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.
75In holiness and righteousness before him all our days.
76Newe mucheche, uchanzi muporofita weWokumusoro-soro, nekuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
76Yea and thou, child, shalt be called the prophet of the Most High: For thou shalt go before the face of the Lord to make ready his ways;
77kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake nekangamwiro yezvivi zvavo;
77To give knowledge of salvation unto his people In the remission of their sins,
78netsitsi dzaMwari wedu, mauri mambakwedza ekudenga anotishanyira;
78Because of the tender mercy of our God, Whereby the dayspring from on high shall visit us,
79kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
79To shine upon them that sit in darkness and the shadow of death; To guide our feet into the way of peace.
80Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.
80And the child grew, and waxed strong in spirit, and was in the deserts till the day of his showing unto Israel.