1Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.
1And he said unto them, Verily I say unto you, There are some here of them that stand [by], who shall in no wise taste of death, till they see the kingdom of God come with power.
2Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.
2And after six days Jesus taketh with him Peter, and James, and John, and bringeth them up into a high mountain apart by themselves: and he was transfigured before them;
3Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, ungagona kuzvichenesa zvikadaro.
3and his garments became glistering, exceeding white, so as no fuller on earth can whiten them.
4Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.
4And there appeared unto them Elijah with Moses: and they were talking with Jesus.
5Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakatinakira kuti tive pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.
5And Peter answereth and saith to Jesus, Rabbi, it is good for us to be here: and let us make three tabernacles; one for thee, and one for Moses, and one for Elijah.
6Nekuti wakange asingazivi chekutaura; nekuti vaitya zvikuru.
6For he knew not what to answer; for they became sore afraid.
7Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, inzwai iye.
7And there came a cloud overshadowing them: and there came a voice out of the cloud, This is my beloved Son: hear ye him.
8Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.
8And suddenly looking round about, they saw no one any more, save Jesus only with themselves.
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kunze kwekuti Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.
9And as they were coming down from the mountain, he charged them that they should tell no man what things they had seen, save when the Son of man should have risen again from the dead.
10Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.
10And they kept the saying, questioning among themselves what the rising again from the dead should mean.
11Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria unofanira kutanga kuuya?
11And they asked him, saying, [How is it] that the scribes say that Elijah must first come?
12Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo unotanga kuuya, avandudze zvinhu zvose; uye kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti uchatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?
12And he said unto them, Elijah indeed cometh first, and restoreth all things: and how is it written of the Son of man, that he should suffer many things and be set at nought?
13Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.
13But I say unto you, that Elijah is come, and they have also done unto him whatsoever they would, even as it is written of him.
14Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.
14And when they came to the disciples, they saw a great multitude about them, and scribes questioning with them.
15Pakarepo chaunga chose chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, chikamhanyira kwaari, chikamukwazisa.
15And straightway all the multitude, when they saw him, were greatly amazed, and running to him saluted him.
16Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?
16And he asked them, What question ye with them?
17Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauyisa kwamuri mwanakomana wangu, une mweya wechimumumu;
17And one of the multitude answered him, Teacher, I brought unto thee my son, who hath a dumb spirit;
18pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye unooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
18and wheresoever it taketh him, it dasheth him down: and he foameth, and grindeth his teeth, and pineth away: and I spake to thy disciples that they should cast it out; and they were not able.
19Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.
19And he answereth them and saith, O faithless generation, how long shall I be with you? how long shall I bear with you? bring him unto me.
20Vakamuuyisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.
20And they brought him unto him: and when he saw him, straightway the spirit tare him grievously; and he fell on the ground, and wallowed foaming.
21Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.
21And he asked his father, How long time is it since this hath come unto him? And he said, From a child.
22Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
22And oft-times it hath cast him both into the fire and into the waters, to destroy him: but if thou canst do anything, have compassion on us, and help us.
23Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinogoneka kune unotenda.
23And Jesus said unto him, If thou canst! All things are possible to him that believeth.
24Uye pakarepo baba vemucheche vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.
24Straightway the father of the child cried out, and said, I believe; help thou mine unbelief.
25Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.
25And when Jesus saw that a multitude came running together, he rebuked the unclean spirit, saying unto him, Thou dumb and deaf spirit, I command thee, come out of him, and enter no more into him.
26Zvino ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nekudaro vazhinji vakati: Wafa.
26And having cried out, and torn him much, he came out: and [the boy] became as one dead; insomuch that the more part said, He is dead.
27Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.
27But Jesus took him by the hand, and raised him up; and he arose.
28Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?
28And when he was come into the house, his disciples asked him privately, [How is it] that we could not cast it out?
29Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.
29And he said unto them, This kind can come out by nothing, save by prayer.
30Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.
30And they went forth from thence, and passed through Galilee; and he would not that any man should know it.
31Nekuti waidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa uchamuka nezuva retatu.
31For he taught his disciples, and said unto them, The Son of man is delivered up into the hands of men, and they shall kill him; and when he is killed, after three days he shall rise again.
32Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.
32But they understood not the saying, and were afraid to ask him.
33Zvino wakasvika Kapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?
33And they came to Capernaum: and when he was in the house he asked them, What were ye reasoning on the way?
34Asi vakanyarara, nekuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.
34But they held their peace: for they had disputed one with another on the way, who [was] the greatest.
35Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, uchava wekupedzisira kune vose nemushandi wevose.
35And he sat down, and called the twelve; and he saith unto them, If any man would be first, he shall be last of all, and servant of all.
36Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:
36And he took a little child, and set him in the midst of them: and taking him in his arms, he said unto them,
37Ani nani unogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, unogamuchira ini; uye ani nani unogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
37Whosoever shall receive one of such little children in my name, receiveth me: and whosoever receiveth me, receiveth not me, but him that sent me.
38Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nekuti haana kutitevera.
38John said unto him, Teacher, we saw one casting out demons in thy name; and we forbade him, because he followed not us.
39Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nekuti hakuna munhu ungaita basa resimba muzita rangu, unogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
39But Jesus said, Forbid him not: for there is no man who shall do a mighty work in my name, and be able quickly to speak evil of me.
40Nekuti usingapikisani nesu, ndewedu.
40For he that is not against us is for us.
41Nekuti ani nani unokupai mukombe wemvura kuti mumwe muzita rangu, nekuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborashikirwi nemubairo wake.
41For whosoever shall give you a cup of water to drink, because ye are Christ's, verily I say unto you, he shall in no wise lose his reward.
42Uye ani nani unogumbusa umwe wevaduku avo vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
42And whosoever shall cause one of these little ones that believe on me to stumble, it were better for him if a great millstone were hanged about his neck, and he were cast into the sea.
43Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,
43And if thy hand cause thee to stumble, cut it off: it is good for thee to enter into life maimed, rather than having thy two hands to go into hell, into the unquenchable fire.
44apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
44[where their worm dieth not, and the fire is not quenched.]
45Uye kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena mumoto usingadzimiki,
45And if thy foot cause thee to stumble, cut it off: it is good for thee to enter into life halt, rather than having thy two feet to be cast into hell.
46apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
46[where their worm dieth not, and the fire is not quenched.]
47Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,
47And if thine eye cause thee to stumble, cast it out: it is good for thee to enter into the kingdom of God with one eye, rather than having two eyes to be cast into hell;
48apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
48where their worm dieth not, and the fire is not quenched.
49Nekuti wose ucharungwa nemoto uye chibayiro chose chicharungwa nemunyu.
49For every one shall be salted with fire.
50Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.
50Salt is good: but if the salt have lost its saltness, wherewith will ye season it? Have salt in yourselves, and be at peace one with another.