1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
1For the Chief Musician; set to Mahalath. Maschil of David. The fool hath said in his heart, There is no God. Corrupt are they, and have done abominable iniquity; There is none that doeth good.
2Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
2God looked down from heaven upon the children of men, To see if there were any that did understand, That did seek after God.
3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
3Every one of them is gone back; they are together become filthy; There is none that doeth good, no, not one.
4Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.
4Have the workers of iniquity no knowledge, Who eat up my people [as] they eat bread, And call not upon God?
5Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; nekuti Mwari akaparadza mafupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nekuti Mwari akavarasha.
5There were they in great fear, where no fear was; For God hath scattered the bones of him that encampeth against thee: Thou hast put them to shame, because of God hath rejected them.
6Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakove achafara kwazvo naIsiraeri achafara.
6Oh that the salvation of Israel were come out of Zion! When God bringeth back the captivity of his people, Then shall Jacob rejoice, [and] Israel shall be glad.