1Zvino Soromoni wakaita wanano naFarao, mambo weEgipita, akawana mukunda waFarao, akamuisa kuguta raDhavhidhi, kusvikira apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusaremu.
2Asi vanhu vakabayira zvibayiro pamatunhu akakwirira, nekuti kusvikira mazuva iwayo zita raJehovha rakanga richigere kuvakirwa imba.
3Soromoni akada Jehovha, akafamba nemitemo yababa vake Dhavhidhi; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
4Zvino mambo akaenda Gibhiyoni kundobayirapo, nekuti ndiwo wakange uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paaritari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe.
5Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibhiyoni nokurota usiku. Mwari akati, Kumbira chandingakupa.
6Soromoni akati, Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nechokwadi, nokururama, nomoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi.
7Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo.
8Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo.
9Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nekuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?
10Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.
11Ipapo Mwari akati kwaari, Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira fuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka;
12tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa moyo waka ngwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe.
13Ndakupawo zvausina kukumbira, fuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi nomumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose.
14Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.
15Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.
16Zvino vakadzi vaviri, vaiva zvifeve, vakasvika kuna mambo, vakamira pamberi pake.
17Mumwe mukadzi akati, Haiwa, ishe wangu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imwe; ini ndikapona mwana ndigere naye paimba.
18Zvino ini ndakati ndapona mazuva matatu, mukadzi uyu akaponawo, tigere pamwechete; kwakanga kusino mweni nesu mumba, asi isu vaviri toga mumba.
19Zvino mwana womukadzi uyu akafa usiku, nekuti wakavata pamusoro pake.
20Akamuka pakati pausiku, akatora mwanakomana wangu parutivi rwangu, murandakadzi wenyu avete, akamuradzika pachipfuva chake, akaradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.
21Zvino ndakati ndichimuka mangwanani kuzomwisa mwana wangu, ndikawana akafa; asi ndakati ndichimucherekedza mangwanani, wonei haazi mwanakomana wangu, wandakabereka.
22Ipapo mumwe mukadzi wakati, Kwete, asi mupenyu ndiye mwanakomana wangu, wakafa ndiye mwanakomana wako; uyu akati, Kwete, asi wakafa ndiye mwanakomana wako, mupenyu ndiye mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.
23Ipapo mambo akati, Mumwe unoti, Mwanakomana wangu ndouyu mupenyu, mwana wako ndiye wakafa, mumwezve unoti, Kwete, asi mwanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mwanakomana wangu.
24Mambo akati, Nditorerei munondo. Vakauya nomunondo kuna mambo.
25Mambo akati, Gurai mwana mupenyu napakati, mupe mumwe rutivi rumwe, nomumwe rumwe rutivi.
26Ipapo mukadzi waiva mai womwana mupenyu akataura kuna mambo, nekuti moyo wake wakava pamusoro pomwanakomana wake, akati, Haiwa, ishe wan.gu, mumupe henyu mwana mupenyu, regai kumuuraya. Asi mumwe wakati, Ngaachirega kuva wangu kana wako, mugurei.
27Ipapo mambo akapindura, akati, Mumupe mwana mupenyu, regai kumuuraya, ndivo mai vake.
28Valsiraeri vose vakanzwa kutonga kwamambo, vakatya mambo; nekuti vakaona kuti kungwara kwaMwari kwaiva maari, kuti atambe mhaka zvakanaka.