1Zvino mambo Soromoni wakange ari mambo wavaIsiraeri vose.
2Ndiwo machinda aaiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupristi;
3Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira.
4Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
5Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mutongi mukuru, shamwari yamambo.
6Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo.
7Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe.
8Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
9naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai;
10naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakange ane shoko, nenyika yose yeHeferi;
11naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakange ari Tafati, mukunda waSoromoni;
12naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereeri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami;
13naBhenigebheri paRamotiGiriyadhi; iye wakange ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye wakange ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
14naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi;
15naAhimaazi paNafitari; iye wakange awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni;
16naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri nebhiyaroti;
17naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari;
18naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini;
19naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakange ari mutariri mumwe woga panyika iyo.
20VaJudha navalsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakamwa, vakafara.
21Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weEgipita; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
22Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu;
23nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.
24nekuti wakabata ushe panyika yose nechokuno koRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno koRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza.
25VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni.
26Soromoni wakange ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
27Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe.
28Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yazvaifanira kuva, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa.
29Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamahombekombe egungwa.
30Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kose kwavaEgipita.
31Nekuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza.
32Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu.
33Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.
34Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.