1Zvino Hiramu, mambo weTire, wakatumira varanda vake kuna Soromoni, nekuti wakange anzwa kuti vakamuzodza ave mambo panzvimbo yababa vake; nekuti Hiramu wakange achida Dhavhidhi nguva yose.
2Soromoni akatuma nhume kuna Hiramu akati,
3Munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu, vakanga vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba, nokuda kwehondo dzairwiwa kumativi ose, kusvikira Jehovha avaisa pasi petsoka dzake.
4Asi zvino Jehovha Mwari wangu wakandizorodza kumativi ose, hakuna muvengi kana chimwe chinhu chakaipa.
5Zvino tarirai, moyo wangu unoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, sezvakataurwa naJehovha kuna baba vangu, achiti, Mwanakomana wako, wandichagadza pachigaro chako choushe panzvimbo yako, ndiye uchavakira zita rangu imba.
6Naizvozvo zvino, chirairai kuti vanditemere miti yemisidhari paRebhanoni; varanda vangu vachabata pamwechete navaranda venyu; ini ndichakupai mubayiro wava randa venyu sezvamuchareva; nekuti munoziva kuti pakati pedu hapana munhu unoziva kutema matanda ungafanana navaZidhoni.
7Zvino Hiramu wakati achinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwazvo, akati, Nhasi Jehovha ngaavongwe, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakangwara kuzobata vanhu ava vazhinji.
8Ipapo Hiramu akatuma nhume kuna Soromoni, akati, Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndichaita zvose zvamunoda pamusoro pamatanda emisidhari, namatanda emisipiresi.
9Varanda vangu vachaaburusa paRebhanoni vachiaisa kugungwa; ndichaabatanidza aende negungwa sezvamuchandiraira, ndicharaira kuti asunungurwe ipapo, muagamuchire; imwi mugoita sezvandinoda, muchipa vanhu veimba yangu zvokudya.
10Naizvozvo Hiramu akapa Soromoni matanda emisidhari namatanda emisipiresi, zvose sezvaaida.
11Soromoni akapawo Hiramu zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo zvive zvokudya zvavanhu veimba yake; nezviyero zvina makumi maviri zvamafuta akasvimwa; Soromoni akapa Hiramu saizvozvo gore rimwe nerimwe.
12Jehovha akapa Soromoni kungwara, sezvaakamupikira; Hiramu naSoromoni vainzwana, ivo vaviri vakaita sungano.
13Mambo Soromoni akadana vanhu vechibharo pakati pavaIsiraeri vose; vanhu vechibharo vaiva zviuru zvina makumi matatu.
14Akavatumira Rebhanoni, mwedzi mumwe nomumwe zviuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi mumwe, nokumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye wairaira vanhu vechibharo.
15Uye Soromoni wakange ana vatakuri vemitoro vane zviuru makumi manomwe, navatemi vamatanda pamakomo vane zviuru zvina makumi masere;
16vatariri vakuru vaSoromoni, vairaira basa, vasingaverengwi, ivo vaiva nezviuru zvitatu namazana matatu, vairaira vanhu vaibate basa.
17Mambo akaraira, vakaputsa mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba namabwe akavezwa.
18Vavaki vaSoromoni navavaki vaHiramu navaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda namabwe kuzovaka imba.