Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

1 Kings

7

1Soromoni wakapedza makore gumi namatatu pakuvaka imba yake, akapedza imba yake yose.
2nekuti wakavaka imba nemiti yamatondo eRebhanoni; yakanga yakasvika makubhiti ane zana pakureba kwayo, namakubhiti makumi mashanu paupamhi hwayo, namakubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, namatanda emisidhari pamusoro pembiru.
3Yakanga yakafukidzwa namatanda emisidhari kumusoro, pamusoro pamakamuri aiva namakumi mana namashanu pamusoro pembiru, makamuri ane gumi namashanu pamusara mumwe.
4Kwakanga kunemisara mitatu yamahwindo, hwindo rimwe rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
5Magonhi ose namagwatidziro zvaiva namativi mana akaenzana; hwindo rimwe rakanga rakatarisana nerimwe hwindo, pamitsara mitatu yakaturikidzana.
6Akaita berere rembiru; rakanga rakasvika makubhiti makumi mashanu pakureba kwaro, namakubhiti makumi matatu paupamhi hwaro, neberere pamberi padzo, nedzimwe mbiru nedanda gobvu pamberi padzo.
7Akaitawo berere rechigaro chake choushe, paangatonga mhaka, iro berere rokutonga; iro rakanga rakafukidzwa namapuranga omusidhari kubva pasi kusvikira pasi.
8Neimba yake yokugara, kuno rumwe ruvazhe mukati meberere, yakanga yakaitwa saizvozvo. Akaitirawo mukunda waFarao imba (waakanga awana iye Soromoni,) yakanga yakafanana neberere iro.
9Idzi dzose dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, ari mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, akachekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kusvikira kumusoro, nokunzewo kusvikira kuruvazhe rukuru.
10Nheyo dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe akasvika makubhiti ane gumi, namabwe akasvika makubhiti masere.
11Kumusoro kwakanga kuna mabwe anokosha, mabwe akavezwa, akaenzaniswa zvakanaka, namapuranga omusidhari.
12Ruvazhe rukuru rwakanga rwakapoteredza, rwakanga rune misara mitatu yamabwe akavezwa, nomusara mumwe wamatanda omusidhari; rwakanga rwakafanana noruvazhe rwomukati rweimba yaJehovha, neberere reimba.
13Zvino mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hiramu paTire.
14lye wakange ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNafitari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakange akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.
15Nekuti wakaumba mbiru mbiri dzendarira, imwe neimwe yakasvika makubhiti ane gumi namasere pakureba; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ane gumi namaviri rwakapoteredza mbiru imwe neimwe.
16Akaumbawo misoro miviri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamusoro pembiru; musoro mumwe wakasvika makubhiti mashanu pakureba, nomumwe musoro makubhiti mashanuwo pakureba.
17Misoro, yaiva pamusoro pembiru, yakanga ine mimbure yakarukwa yendarira, nezvishongo zvamaketani; minomwe yomusoro mumwe, neminomwe yomumwe musorozve.
18Akaitawo matamba, kwakanga kune misara miviri yakapoteredza pamusoro pomumbure mumwe, kufukidza misoro yakanga iri pamusoro pembiru, akaitira mumwe musoro saizvozvo.
19Misoro, yaiva pamusoro pembiru paberere, yakanga ina maruva amahapa akavezwa, akasvika makubhiti mana.
20Kumusoro kwakanga kune misorowo pamusoro pembiru mbiri, pedo nedumbu rakanga riri parutivi rwomumbure wakarukwa; namatamba akanga ana mazana maviri, akaita mitsara yakapoteredza pamusoro pomumwe musoro.
21Zvino akamisa mbiru paberere retemberi, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruboshwe, akatumidza zita rayo Bhowasi.
22Pamusoro pembiru pakanga pane zvishongo seruva rehapa, naizvozvo basa rapambiru rakapera.
23Zvino akaita dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti makumi matatu rwakaripoteredza.
24Pasi pomuromo waro pakanga panamafundo akaripoteredza, akanga ane gumi pakubhiti rimwe nerimwe, aipoteredza dziva; mafundo akaita misara miviri, akaumbwa pamwechete naro.
25Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwa mavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, uye nhatu kurutivi rwamabvazuva, dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
26Ukobvu hwaro hwaiva soupamhi bwechanza, uye muromo waro wakange wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa, mukati maro maipinda mabhati ane zviuru zviviri.
27Akaitawo zvingoro zvine gumi zvendarira; chingoro chimwe nechimwe chaisvika makubhiti mana pakureba, namakubhiti mana paupamhi, namakubhiti matatu pakukwirira.
28Zvingoro zvakanga zvakaitwa kudai: Zvaiva noukomba, ukomba uhwo hwakakombwa nemidengerero.
29Paukomba uhwo pakati pemidengerero paiva neshumba, nenzombe, namakerubhi; pamusoro pemidengerero pakanga pakadarowo; pasi peshumba nenzombe paiva nezvishongo zvakarembera.
30Chingoro chimwe nechimwe chaiva namakumbo mana endarira nezvokumonerekerapo zvendarira, makumbo acho mana aiva nezvitsigiro; zvitsigiro izvo zvakanga zvakaumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, nezvishongo kurutivi rumwe norumwe.
31Muromo wawo pakati pomusoro nokumusoro kwawo wakasvika kubhiti rimwe; muromo wawo wakange wakatenderera, wakafanana nechigadziko, kubhiti rimwe nehafu; pamuromo wawo paiva nezvakanyorwa, asi ukomba hwawo hwaiva namativi mana akaenzana, zvisina kutenderera.
32Makumbo mana akanga ari pasi poukomba, uye zvokubatisa makumbo zvaiva pangoro; gumbo rimwe nerimwe rakasvika kubhiti rimwe nehafu pakukwirira kwaro.
33Makumbo akanga akafanana namakumbo engoro; zvokubatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivhi zvakanga zvakaumbwa zvose.
34Paiva nezvitsigiro zvina pamakona mana echingoro chimwe nechimwe; zvitsigiro zvaiva zvimwe nengoro imene.
35Pamusoro pechingoro paiva nechitenderere chakasvika hafu yekubhiti pakukwirira uye pamusoro pengoro zvitsigiro zvayo nohukomba hwayo zvaiva zvimwe.
36Panhivi dzezvitsigiro zvayo, uye paukomba hwayo akaveza makerubhi neshumba, nemiti yemichindwe pazvakaringana, nezvishongo kunhivi dzose.
37Akaita zvingoro zvine gumi saizvozvo; zvose zvakanga zvakafanana pakuumbwa nokuenzana, nomufananidzo mumwe.
38Akaita midziyo yokushambidzira ine gumi; mudziyo mumwe nomumwe waipinda mabhati makumi mana emvura; mudziyo mumwe nomumwe wakasvika makubhiti mana; pangoro dzose gumi pakanga pane mudziyo pangoro imwe neimwe.
39Akaisa zvingoro, zvishanu kurutivi rworudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rworuboshwe rweimba; akagadzika dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva nechezasi.
40Hiramu akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hiramu akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;
41zvaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miviri, yaiva pamisoro yembiru; uye mimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yaiva pamusoro pembiru;
42namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiva pamusoro pembiru;
43nezvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira ine gumi pamusoro pezvingoro;
44nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva;
45nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHiramu mumba maJehovha, dzakanga dzakaitwa nendarira yakabwinyiswa.
46Mambo akadziumba pabani raJoridhani, pakati peSukoti neZaretani, paiva nevhu rokuumba.
47Soromoni haana kuyera nhumbi dzose, nekuti dzaiva zhinji kwazvo; vakanga vasingagoni kuverenga kurema kwendarira.
48Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiva mumba maJehovha, dzaiti: Aritari yendarama, netafura yendarama paiva nezvingwa zvokuratidza;
49nemwenje yendarama yakaisvonaka, mishanu kurutivi rworudyi, nemishanu kurutivi rworuboshwe, pamberi pangataura Jehovha; namaruva, nemwenje, nembato dzendarama;
50nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto zvendarama yakaisvonaka; nezvibato zvamagonhi zvendarama, zvamagonhi eimba yomukati, iyo nzvimbo tsvenetsvene, nezvamagonhi eimba, iyo temberi.
51Naizvozvo basa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehovha, rakapera. Soromoni akaisawo nhumbi dzakanga dzatsaurirwa Mwari naDhavhidhi baba vake, sirivha, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuchengeta fuma dzeimba yaJehovha.