Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

1 Kings

8

1Zvino Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, kuna mambo Soromoni paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha, ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
2Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, ndiwo mwedzi wechinomwe.
3Ipapo vakuru vose vaIsiraeri vakauya, vapristi vakasimudza areka.
4Vakakwira neareka yaJehovha netende rokusangana, nemidziyo mitsvene yose yaiva muTende, vapristi navaRevhi vakakwira nayo.
5Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba naye pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwazvo.
6Ipapo vapristi vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
7nekuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
8Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo pangataura Jehovha; asi akanga asingawonekwi nechokunze; achiripo kusvikira nhasi.
9Mukati meareka makanga musisine chinhu, asi mabwendefa maviri amabwe, akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano nayo navana vaIsiraeri pakubuda kwavo panyika
10Zvino vapristi vakati vabuda panzvimbo tsvene, gore rikazadza imba yaJehovha,
11naizvozvo vapristi vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nekuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.
12Ipapo Soromoni akati, Jehovha wakati, ndinoda kugara mukati merima guru.
13Zvirokwazvo, ndakakuvakirai imba pamungagara, nzvimbo mamungagara nokusingaperi.
14Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri, ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
15Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
16Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paEgipita, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; asi ndakatsaura Dhavhidhi abate vanhu vangu vaIsiraeri.
17Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
18Asi Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba.
19Kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye uchavakira zita rangu imba.
20Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nekuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chaIsiraeri, sezvakapikira Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri, imba.
21Imomo ndakagadzirira areka nzvimbo, imo munesungano yaJehovha, yaakaita namadzibaba edu panguva yaakavabudisa panyika yeEgipita.
22Zvino Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,
23akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari wakafanana nemwi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
24Imi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; makataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
25Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu sezvamakamupikira, muchiti, Haungashaiwi munhu uchagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu, sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
26Naizvozvo zvino, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira kuti shoko renyu riitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
27Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
28Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera komuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi;
29meso enyu arambe achirindira imba ino usiku namasikati, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, Zita rangu richagarapo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
30Inzwai kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo ino; donzwai henyu iko kumatenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
31Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino,
32inzwai iko kudenga, muite, mururamisire varanda venyu, mupe wakaipa mhosva, arobwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire wakarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
33Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
34inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakapa madzibaba avo.
35Kana denga richinge razarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakanga vakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, nekuti munenge mavarova;
36inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavaranda venyu, nezvevanhu venyu vaIsiraeri, nekuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
37Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ina maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo;
38kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo pake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
39inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukangamwire, muite, muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambiro wake wose, iye wamunoziva moyo wake; nekuti imi, imwi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;
40kuti vakutyei mazuva ose oupenyu hwavo pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.
41Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu;
42nekuti vachazonzwa mukurumbira wezita renyu guru, noworuoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino;
43inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
44Kana vanhu venyu vakandorwa hondo navavengi vavo nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu,
45inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
46Kana vakakutadzirai (nokuti hakuna munhu usingatadzi), mukavatsamwira, mukavakumikidza kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kure kana pedo;
47kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yavatapi vavo, vachiti, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;
48kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wavo wose, panyika yavavengi vavo vakavatapa; kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, kuguta ramakatsaurirwa nokuimba yandakavakira zita renyu.
49Inzwai henyu kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo iko kudenga kwamunogara, muvaruramisire ;
50mu kangamwire vanhu venyu vakakutadzirai, nokudarika kwavo kose, kwavakadarika nako kwamuri; muvawanise tsitsi kunavakavatapa, kuti vavanzwire nyasha;
51nekuti ndivo vanhu venyu, nenhaka yenyu, yamakabudisa Egipita pakati pevira ramatare;
52meso enyu ngaawone kukumbira komuranda wenyu, nokukumbira kwavanhu venyu vaIsiraeri, kuti muvanzwe pakuchema kwavo kose kwamuri.
53nekuti imwi Jehovha, makavatsaura kundudzi dzose dzenyika, vave nhaka yenyu, sezvamakataura nomuromo waMozisi muranda wenyu, nguva yamakabudisa madzibaba edu paEgipita.
54Zvino Soromoni wakati apedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero uyu wose nokukumbira uku, akasimuka pamberi pearitari yaJehovha, paakanga akapfugama namabvi ake, maoko ake akatambanudzirwa kudenga.
55Akamira akaropafadza ungano yose yaIsiraeri nenzwi guru, akati,
56Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipa zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMozisi muranda wake.
57Jehovha wedu ngaave nesu, sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirasha;
58kuti arerekese moyo yedu kwaari, tifambe panzira dzake dzose, tichengete mirairo yake, nezvaakatema, nezvaakatonga, izvo zvaakaraira madzibaba edu.
59Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaagare pedo naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, aruramisire muranda wake, navanhu vake vaIsiraeri, panodikamwa napo zuva rimwe nerimwe;
60kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiye Mwari, hakuna mumwe.
61Naizvozvo moyo yenyu ive yakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wedu, mufambe pane zvaakatema, nokuchengeta mirairo yake, sezvamunoita nhasi.
62Zvino mambo navalsiraeri vose pamwechete naye vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.
63Soromoni akabayira zvipiriso zvokuyananisa, zvaakabayira Jehovha, nzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Naizvozvo mambo navana vaIsiraeri vose vakatsaurira Jehovha imba iyo.
64Nomusi uyo mambo akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha, nekuti ndipo paakabayira chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nekuti aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, yakanga iri duku kwazvo, isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa.
65Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo nguva iyo yose, navaIsiraeri vose pamwechete naye, vakaita ungano huru, kubva pavanopinda paHamati kusvikira parukova rweEgipita, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe namazuva manomwezve ndiwo mazuva ane gumi namana.
66Pazuva rorusere akaendisa vanhu, ivo vakatenda mambo, vakaenda kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakanga zvaitirwa Dhavhidhi muranda wake naIsiraeri vanhu vake naJehovha.