1Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
2VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabi, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
3Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa; vapfuri vouta vakamubata, akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
4Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira. Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nekuti wakange achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
5Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
6Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
7Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri komupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
8Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
9Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
10Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshitaroti, vakasungira chitunha chake pamadziro eBhetishani.
11Zvino vakanga vagere JabheshiGiriyadhi vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
12mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBhetishani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.
13Vakatora mafupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.