1Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi;
2Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
3Dhavhidhi akati kwaari, Wabvepiko? Akati kwaari, Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri.
4Dhavhidhi akati kwaari, Kwakaitweiko? Ndiudze hako. Akapindura, akati, Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo.
5Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo.
6Jaya rikamuudza rikati, Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo.
7Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, Ndiri pano hangu.
8Akati kwandiri, Ndiwe aniko? Ndikamupindura ndikati, Ndiri muAmareki.
9Akati kwandiri, Mira kuno kwandiri, undiuraye, nekuti ndabatwa nekushungurudzwa kwazvo, nekuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.
10Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nekuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu.
11lpapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo.
12Vakachema, nokuungudza, nokutsanya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nekuti vakanga vaurawa nomunondo.
13Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Uri wepiko? Iye akapindura akati, Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.
14Dhavhidhi akati kwaari, Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?
15Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, Swedera, umuuraye. Iye akamubaya, akafa.
16Dhavhidhi akati kwaari, Ropa rako ngarive pamusoro pako, nekuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, Ndakauraya muzodzwa waJehovha.
17Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku.
18Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.
19Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
20Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.
21Imi makomo eGiribhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo. Nekuti ndipo pakangorashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.
22Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta avane simba.
23Sauro naJonatani vakanga vakadikamwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba.
24Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.
25Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.
26Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munin'ina wangu Jonatani; wakange uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi.
27Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!