Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

12

1Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakange akafuma, asi mumwe wakange ari murombo.
2Mufumi wakange ana makwai nemombe zhinji kwazvo;
3asi murombo wakange asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokumwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake.
4Zvino mufambi wakati achisvika kumufumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakange asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakange asvika kwaari.
5Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa.
6Uye anofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.
7Natani akati kuna Dhavhidhi, Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro,
8ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti.
9Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.
10Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nekuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.
11Zvanzi naJehovha, Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako, ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichavapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.
12Nekuti iwe wakazviita pakavanda, asi ini ndichazviita pamberi pavaIsiraeri vose, ari masikati machena.
13Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha wakangamwirawo zvivi zvako; haungafi.
14Kunyange zvakadaro, zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita, uyo mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.
15Natani akabva, akaenda kumba kwake.
16Naizvozvo Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Jehovha, akatsanya, akapinda, akavata pasi usiku hwose.
17Vakuru veimba yake vakasimuka, vakaenda kwaari, vakada kumumutsa pasi; asi iye wakaramba, akasadyawo zvokudya navo.
18Zvino nezuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana wafa, nekuti vakati, Tarirai, mwana achiri mupenyu, takataura naye, akasateerera manzwi edu; zvino uchatambudzika seiko, kana tikamuudza kuti mwana wafa.
19Asi Dhavhidhi wakati achiona kuti varanda vake vanoita zeve-zeve, Dhavhidhi akaziva kuti mwana wafa; Dhavhidhi akati kuvaranda vake, Mwana wafa here? Ivo vakati, Wafa.
20Ipapo Dhavhidhi akasimuka pasi, akashamba, akazora mafuta, akafuka dzimwe nguvo, akapinda mumba maJehovha, akanamata; ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya, vakamupa, akadya.
21Ipapo varanda vake vakati kwaari, Ndokudiniko? Achiri mupenyu makatsanya, mukachema mwana, asi zvino mwana wakati afa, mukasimuka mukadya zvokudya.
22Iye akati, Mwana achiri mupenyu ndakatsanya, ndikachema, nekuti ndakati, Ndianiko ungaziva, zvimwe Mwari ungandinzwira tsitsi, mwana akararama hake?
23Asi zvino wafa hake, ndichazvinyimireiko zvokudya? Ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzokeri kwandiri.
24Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikamwa naJehovha.
25Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.
26Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda.
27Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, Ndandorwa neRabha, ndikakunda guta remvura.
28Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.
29Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda.
30Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
31Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.