Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

13

1Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakange ane hanzvadzi yakanaka, yainzi Tamari; Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.
2Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nekuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
3Asi Amunoni wakange ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakange ari munhu waiva namano.
4Iye akati kwaari, Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here? Amunoni akati kwaari, Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunin'ina wangu Abhusaromu.
5Jonadhabhu akati kwaari, Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.
6Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.
7Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, Enda zvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.
8Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
9Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, Vanhu vose ngavabude kwandiri. Vanhu vose vakabuda kwaari.
10Amunoni akati kuna Tamari, Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako. Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.
11Zvino wakati aswedera pedo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.
12Iye akamupindura akati, Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nekuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.
13Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nekuti ivo havangandinyimi iwe.
14Asi wakaramba kuteerera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
15Ipapo Amunoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nekuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amunoni akati kwaari, Muka, uende.
16Iye akati kwaari, Kwete, nekuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira. Asi wakaramba kumuteerera.
17Zvino akadana muranda wake wakange achimubatira, akati, Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.
18Zvino iye wakange ane nguvo yakareba ina maoko, nekuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
19Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
20Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, Amunoni hanzvadzi yako wakange ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi. Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
21Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.
22Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amunoni; nekuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nekuti wakange achiva hanzvadzi yake Tamari.
23Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakange ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
24Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.
25Mambo akati kuna Abhusaromu, Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
26Zvino Abhusaromu akati, Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu. Mambo akati kwaari, Iye unofanira kuendireiko newe?
27Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amunoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.
28Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, Urayai Amunoni! imwi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.
29Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
30Zvino vakati vachiri munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.
31Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguvo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguvo dzakabvarurwa.
32Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nekuti Amunoni woga ndiye wafa, nekuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
33Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nekuti Amunoni woga ndiye wafa.
34Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.
35Jonadhabhu akati kuna mambo, Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.
36Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
37Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
38Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
39moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nekuti wakange anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.