1Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo
2Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakange akangwara, akati kwaari, Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
3zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti. Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.
4Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, Ndibatsirei, mambo wangu!
5Mambo akati kwaari, Unonzweiko? Akapindura, akati, Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa.
6Murandakadzi wenyu wakange ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya.
7Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, Tipei uyo wakauraya munin'ina wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunin'ina wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo; naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika.
8Mambo akati kumukadzi, Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako.
9Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva.
10Mambo akati, Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve.
11Ipapo iye akati, Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu. Iye akati, NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi.
12Zvino mukadzi akati, Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo. Iye akati, Taura hako.
13Mukadzi akati, Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? nekuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nekuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
14Nekuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.
15Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nekuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.
16nekuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
17Zvino murandakadzi wenyu akati, Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nekuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.
18Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, Usavanzira hako shoko randinokubvunza. Mukadzi akati, Ishe wangu ngaataure hake zvino.
19Mambo akati, Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here? Mukadzi akapindura, akati, Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nekuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
20Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokomutumwa waMwari, nekuti munoziva zvose zviri panyika.
21Ipapo mambo akati kuna Joabhu, Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu.
22Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nekuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake.
23Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu.
24Mambo akati, Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu. Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo.
25Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari.
26Nguva yaaigurira vhudzi rake (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nekuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.
27Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakange ane chiso chakanaka.
28Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo.
29Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya.
30Zvino akati kuvaranda vake, Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa. Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda.
31Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, Varanda vako vapisireiko munda wangu?
32Abhusaromu akapindura Joabhu akati, Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, Uya pano, ndikutume kuna mambo, undoti Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.
33Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu.