1Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.
2Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munin'ina waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi.
3Asi vanhu vakati, Hamungaendi, nekuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imwi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta.
4Mambo akati kwavari, Ndichaita sezvamunofunga. Mambo akandomira kurutivi rwesuwo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.
5Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu. Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.
6Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.
7Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.
8nekuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.
9Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakange akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.
10Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.
11Joabhu akati kumunhu wakamuudza, Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire.
12Murume akati kuna Joabhu, Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nekuti mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.
13Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imwi mungadai mandiregera.
14Ipapo Joabhu akati, Handigoni kunonoka kudai newe pano. Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
15Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.
16Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nekuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
17Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.
18Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakange atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nekuti wakati, Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu; akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi.
19Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake.
20Joabhu akati kwaari, Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nekuti mwanakomana wamambo wafa.
21Zvino Joabhu akati kumuKushi, Enda iwe undoudza mambo zvawaona. MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.
22Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi. Joabhu akati, Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nekuti hauna shoko raungakumikidza?
23Iye akati, Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu. Akati kwaari, Mhanya hako. Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.
24Zvino Dhavhidhi wakange agere pakati pamasuwo maviri, nharirire ikakwira padenga resuwo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.
25Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, Kana ari oga, ane shoko mumuromo make Akaramba achifamba, akaswedera.
26Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuwo, ikati, Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga. Mambo akati, Naiye unouya neshoko.
27Nharirire ikati, Ndinofunga kuti kumhanya kowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo akati, Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka.
28Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, Rugare! Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo.
29Mambo akati, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? Ahimaazi akapindura, akati, Pakutumwa komuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko.
30Mambo akati, Tsauka, umire pano. Akatsauka, akaramba amirepo.
31Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, Ndine shoko kunashe wangu mambo; nekuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai.
32Mambo akati kumuKushi, Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here? MuKushi akapindura akati, Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro.
33Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuwo, akachema; akaramba achifamba, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!