Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

19

1Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu.
2Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nekuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, Mambo unochema mwanakomana wake.
3Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa.
4Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nenzwi guru, achiti, Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!
5Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu bwenyu nhasi, neupenyu hwevanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwevakadzi venyu, noupenyu hwevarongo venyu;
6nekuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. nekuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nekuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
7Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nekuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemwi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku bwenyu kusvikira zvino.
8Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuwo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, Tarirai, mambo ugere pasuwo; vanhu vose vakauya pamberi pamambo.
9Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
10Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?
11Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapristi, akati, Taurai kuvakuru vaJudha, muti, Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake? nekuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
12imwi muri hama dzangu, muri mafupa angu nenyama yangu, zvino munononokerei kudzosa mambo?
13Zvino muti kuna Amasa, Iwe hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.
14Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, Dzokai, imwi navaranda venyu vose.
15Naizvozvo mambo akadzoka akasvika paJoridhani VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Joridhani.
16Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakange agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi.
17Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Joridhani pamberi pamambo.
18Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Joridhani.
19Akati kuna mambo, Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza komuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamoyo pake.
20nekuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo.
21Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nekuti wakatuka muzodzwa waJehovha?
22Dhavhidhi akati, Ndine mhosva yeiko nemi, imwi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?
23Mambo akati kuna Shimei, Haungafi. Mambo akapika kwaari.
24Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakange asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
25Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?
26Iye akapindura akati, Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nekuti muranda wenyu wakati, ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo, nekuti muranda wenyu chirema.
27Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari, naizvozvo itai henyu sezvamunoda.
28nekuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?
29Mambo akati kwaari, Ucharamba uchitaureiko? Ndinoti, Iwe naZibha govanai nyika.
30Mefibhosheti akati kuna mambo, Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare.
31NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Joridhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJoridhani.
32Zvino Bharizirai wakange ari mutana kwazvo, wakange asvika makore makumi masere; wakange avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nekuti wakange akafuma kwazvo.
33Mambo akati kuna Bharizirai, Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu.
34Bharizirai akati kuna mambo, Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo?
35Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanomwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
36Muranda wenyu wakange achingoda hake kuyambuka Joridhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko?
37Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.
38Mambo akapindura akati, Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo.
39Vanhu vose vakayambuka Joridhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
40Naizvozvo mambo akapfuurira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakapfuudzira mberi mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.
41Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Joridhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?
42Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, nekuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?
43Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndewedu kukunda imi; zvino imwi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu? Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.