Shona

Chamorro: Psalms, Gospels, Acts

2 Samuel

20

1Zvino kwakanga kuripo munhu wakaipa, wainzi Shebha, mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini; iye akaridza hwamanda, akati, Isu hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; vaIsiraeri, mumwe nomumwe ngaaende kutende rake.
2Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJoridhani kusvikira paJerusaremu.
3Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.
4Zvino mambo akati kuna Amasa, Ndikokere varume vaJudha vaungane namazuva matatu; newe uve panowo.
5Naizvozvo Amasa akaenda akakokera varume vaJudha, asi wakanonoka akadarika nguva yaakanga atarirwa naye.
6Dhavhidhi akati kuna Abhishai, Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri uchatitadzira kupfuura Abhusaromu. Tora varanda vashe wako, umuteverere, arege kuzviwanira maguta akakombwa namasvingo, akatipukunyukira.
7Ipapo varume vaJoabhu, navaKereti navaPereti, navarume vose vemhare vakamutevera. Vakabuda Jerusaremu kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
8Vakati vachisvika pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa akasangana navo. Zvino Joabhu wakange akazvisunga nguvo yake yokurwa nayo yaakanga afuka; iyo yakanga yakasungwa nebhanhire rakanga rino munondo wakasungirwa pachiuono chake, uri mumuhara mawo; zvino wakati achifamba, ukawira pasi.
9Joabhu akati kuna Amasa, Wakadiniko, munin'ina wangu? Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.
10Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakange uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunin'ina wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
11Zvino rimwe jaya raJoabhu rakanga rimirepo naye, rikati, Ani nani unoda Joabhu, nouri kurutivi rwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu.
12Asi Amasa wakange achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nekuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
13Iye wakati abviswa panzira, vanhu vose vakatevera Joabhu, kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
14Akafamba namarudzi ose aIsiraeri kusvikira paAbheri, neBhetimaaka, navaBheri vose; vanhu vose vakaungana, vakamuteverawo.
15Vakasvika vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakakanganisa rusvingo kuti varuputsire pasi.
16lpapo mumwe mukadzi, wakange akachenjera, akadanidzira ari muguta, akati, Inzwai, inzwai, doudzai Joabhu, muti, Swedera pano, nditaure newe.
17Iye akaswedera kwaari. Mukadzi akati, Ndiwe Joabhu here? Iye akapindura akati, Ndini. Ipapo akati kwaari, Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu. Iye akapindura akati, Ndinonzwa.
18Zvino akataura akati, Kare vanhu vaiti, Zvirokwazvo, vachabvunza mano paAbheri, mhosva ndokupererapo.
19Ini ndiri mumwe wavanotsvaka rugare nowavakarurama pakati paIsiraeri, asi imwi munotsvaka kuparadza guta, rakaita samai pakati palsiraeri; munotsvakireiko kumedza nhaka yaJehovha?
20Joabhu akapindura akati, Ngazvisadaro, Ngazvisadaro, handingatongomedzi kana kuparadza;
21hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta. Mukadzi akati kuna Joabhu, Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo.
22Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.
23Zvino Joabhu ndiye wairaira hondo yose yaIsiraeri, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti,
24Adhoramu ndiye wairaira chibharo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
25Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
26Ira muJairi waiva mupristiwo waDhavhidhi.